Baba vobata mwana (4) wavo chibharo

Kingstone Mapupu
MURUME anoshanda pachimwe chikoro chepuraimari chiri muHarare akasungwa nemapurisa nemusi weChishanu wadarika achipomerwa mhosva yekubata-bata sikarudzi nekubata chibharo kamwanasikana kake kane makore mana ekuzvarwa.

Amai vemwana uyu, avo vanga vachigara vose pachikoro ichi, ndivo vanonzi vakatanga kuwana mashoko ekuti mwana uyu aibatwa chibharo nababa vake ndokuzomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekusungwa kwemurume uyu vachiti; “Hongu, tine nyaya yatiri kuferefeta yemurume akasungwa nemapurisa edu eZRP nemhosva yaari kupomerwa yekunzi anobata kamwana kake kemakore mana chibharo. Murume uyu akanosungirwa pachikoro paanoshanda apo amai vemwana uyu vanonzi vakange vaudzwa nemwana wavo kuti pane zvaanoitwa nababa vake apo baba ava vaimutora nguva nenguva husiku vachienda naye muchikoro umo vanonzi vaizomubata chibharo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mwana uyu anonzi akarondedzera kuna amai vake zvose zvaanoitwa nababa vake pose pavanomutora vachinopinda naye muimba yekudzidzira kana ari manheru.

“Amai vake ndivo vakazoita kuti nyaya iyi isvike kumapurisa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi: “Muhunyanzvi hwedu hwekuferefeta nyaya kunoitwa nemapurisa edu, mwana uyu achaendeswa kunoonekwa namachiremba kuti kuonekwe kuti baba ava vakashinha nemwana uyu here.”

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×