Batsirai chikwata chemaWarriors

Abel Ndooka
KOMITI iri kuunganidza mari yekutsigira chikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors — icho chatove kunyika yeEgypt chichigadzirira kukwikiwdza mumitambo yeAfrica Cup of Nations (Afcon) – yeWarriors 2019 Fund Raising Committee, iri kukumbira makambani, mapoka akasiyana neveruzhinji kuti vabatsire mukuunganidzwa kwemari inosvika US$500 000.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakadoma komiti iyi yechinangwa chekuti iunganidze mari ichashandiswa nechikwata chenyika ichi mumakwikwi ari kutanga nemusi weChishanu svondo rinouya, 21 Chikumi.

Musi uyu, nenguva dza10 manheru, Zimbabwe ichatatsurana neEgypt mumutambo wekuzarura makwikwi aya.

Sachigaro wekomiti yeWarriors Communications Sub-Committee, Dr Eve Gadzikwa, vanoti mari iri kudiwa ichabatsira pakutsigira maWarriors mukunomiririra Zimbabwe kwavari kuita.

“Sekomiti, tiri kumhanya-mhanya kutsvaga mari nekudaro tinokumbira makambani neveruzhinji kuti vatsigire maWarriors. Ndinoda kuzivisa nyika kuti mari yose yatichaunganidza ichashanda basa rayo chairo uye nenzira dzakajeka. Tinozviziva kuti tinofanirwa kuita zvinhu zvine chiremerera kuitira kuti tigoramba tichitsigirwa.

“Tiri kuedza kuunganidza mari inosvika US$500 000 yekutsigira maWarriors. Rutsigiro rwedu rwunovapa simba rekutamba bhora nesimba, saka chikumbiro chedu kumunhu wose ndechekuti ngatibatane tibatsire nemari kana zvimwe zvatinokwanisa,” vanodaro Dr Gadzikwa.

Nemusi weChitatu chino, kwakaitwa mabiko muguta reHarare ekuparura kuunganidzwa kwemari yekutsigira maWarriors.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×