Malven Mugadzikwa
BHANGA reBancABC riri kubatana nekanzuru yeHarare pamwe chete neCity Parking muchirongwa chekubhadhara mitero nemarezinesi muguta reHarare pachishandiswa michina yechizvino-zvino.
Nzira dzekubhadhara zviri nyore idzi dzauya panguva iyo kanzuru yeHarare iri kukurudzira veruzhinji kuti vabhadhare zvikwereti zvavo uye kuti vatyairi vabhadhare kupaka motokari dzavo zviri nyore muguta reHarare.
Bhengi reBancABC rakaisa michina inodaidzwa kuti “The A-POS” iyo inosvika 350 uye inoshandiswa pakubhadhara mari.
Michina iyi inonzi inobatsira zvakanyanya pakubhadharwa kwemari nevanopaka motokari dzavo muguta reHarare sezvo yakareruka uye iri nyore kushandisa. Michina iyi yava kushandiswa pasina marisiti anopihwa kune vanenge vabhadhara kupaka motokari dzavo inova imwe nzira yekuderedza kuraswa kwemarara pese-pese.
Vachitaura pakugamuchidzwa kwemichina iyi kukanzuru yeguta reHarare, chamangwiza weBancABC, VaLance Mambondiani vanoti vanofara nekubatana kwavakaita nekanzuru iyi mukushandisa michina yechizvino-zvino pakubhadharwa kwemitero.
Vanoti nzira dzekubhadhara mari pachishandiswa chizvino-zvino dzinoita kuti basa rifambe nekukasika kuvashandi vekanzuru uye nekune vanobhadhara vacho.
“Uku ndiko kutanga kwehushamwari hwedu nekanzuru mukuvandudza kushandiswa kwemichina yechizvino-zvino. Tine dzimwe nzira dzinoshandisa chizvino-zvino dzatiri kutarisira kubura nguva inotevera toramba tichidyidzana nekanzuru. Nzira idzi dzakanakira pakuti dzinorerutsa basa uye rinofamba nekukasika zvisinganonotse veruzhinji pakubhadhara mitero kana marezinesi kukanzuru.
“Tinofarawo kuti tiri kudyidzana nemamwe makanzuru kuti bhizimusi rifambe zviri nyore mumaguta nemakanzuru,” vanodaro.
Mayor weguta reHarare, VaHebert Gomba, vanotenda BancABC nekubatsira kwairi kuita mukuvandudza nzira dzekubhadharwa kwemari kukanzuru neveruzhinji, vachiti zvinoita kuti zvive nyore chero kune vane zvikwereti nekanzuru yavo.




