Mukadzi okumbira kudzoka kumba

Courtney Munodawafa
MUDZIMAI wekumhan’arira aimbove murume wake kudare achiti ari kumushungurudza akazoshaya pekupinda nenyadzi apo akanzi akabva pamba pavo mushure mekunyeba kuti ari kuenda kuchechi ndokubva aenda zvachose.

Catherine Kahari akaendesa Washington Tsiga kuHarare Civil Court.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Kahari gwaro rinomuchengetedza.

Kahari anoti Tsiga ari kuramba achimushungurudza kunyangwe zvazvo vakarambana.

“Ishe, Tsiga aimbove murume wangu nyakundibvisira roora asi takasiyana. Hatichagare pamwe chete asi zvisinei, achiri kungondishaisa mufaro. Pese pandinoda kuenda kuimba yedu anondidzinga achindirambidza kusvikapo.

“Pari zvino ndiri kugara kumba kwevabereki vangu kuBudiriro asi anouya achinditukira imba yedu. Ndave kuda kudzoka kumba nekuti ndiko kwandaikwanisa kuitira mabasa emaoko asi iye ari kuzvikonesa.

“Ini ndinorwara saka handifanire kugara ndichishungurudzwa. Izvozvi ndiri kugara nemwana wangu ari kuda kuenda Fomu 1 gore rinouya nekuti amai vari kurwarawo,” anodaro.

Tsiga anoti hapana chikonzero chekuti Kahari adzoke kumba nekuti ndiye akabva pamba oga zvechitsotsi.

“Mukadzi uyu akaita zvekunditiza, handina kumbobvira ndamudzinga pamba. Akangobva pamba achiti ari kuenda kuchechi akasadzoka. Handisi kutosvika kumba kwavo nekuti vabereki vake ndivo vakatondiudza kuti vatora mwana wavo.

“Zvave kundinetsa kuti nei ava kuda kudzoka kumba. Ngaadzoke hake asi handisi kuda kumuchengeta nekuti anorwara,” anodaro Tsiga.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *