Basa radzikira: Padenga

Enacy Mapakame

KAMBANI inopfuya makarwe yePadenga Holdings Limited inoti bhizimisi rayo rinogona kudzikira zvakanyanya zvichitevera zvimhingamipinyi zvakasanganikwa nazvo nekuda kwekunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Gore rapera, upfumi hwepasi rose hwakadzoserwa kumashure nezvirongwa zvakasiyana zvakaitwa zvekurwisa kupararira kwedenda iri apo vanhu vaisabvumidzwa kufamba.

Nyika dzakawanda dzakavhara miganhu yadzo nechinangwa chekurwisa chirwere ichi izvo zvakanganisa kusimukira kweupfumi.

Kambani yePadenga, iyo inoita bhizimisi rekutengesa kunze kwenyika, inoti kunyuka kweCovid-19 kwakanganisa zvakanyanya kutengeswa kwematehwe emakarwe kumisika iri kuEurope.

“Bhizimisi rekambani remakarwe nezvimwe rakakanganiswa zvikuru nekuda kweCovid-19,” vanodaro VaThembinkosi Sibanda vanove sachigaro wePadenga Holdings Limited.

Kuvharwa kwakaitwa nzvimbo dzekudyira (restaurants) kuEurope nekuda kwechirwere ichi zvinoreva kuti kudiwa kwenyama yemakarwe mumusika kwakadzikirawo uye hapana zvakatengeswa kunze kwenyika panguva iyi.

VaSibanda vanoti zvisinei nezvimhingamipinyi zvakasanganikwa nazvo izvi, pane tarisiro yekuti bhizimisi ravo richasimukira zvakare.

“Tinotenda kuti vatengi vedu vachave pamberi panyaya yemisika zvichitevera kudzorerwa kumashure neCovid-19,” vanodaro.

Padenga ine tarisiro zvakare yekusimukira muchikamu chezvicherwa zvichitevera kuvhura kwayakaita mugodhi wegoridhe weDallaglio uyo pari zvino basa racho riri kufamba zvakanaka.

Kambani iyi yakavandudza bhizimisi rayo nekuita zvegoridhe nedonzvo rekuti pave nenzira dzakawanda dzekuwana nadzo mari uyewo nekuti isimbaradze homwe yezvinhu zvainotengesa kunze.

Kubva munaNdira kusvika Gunyana gore rapera, kutengeswa kwegoridhe neDallaglio kwakasimukira nechikamu che20 percent kuenda ka544,2kg kana zvichienzaniswa ne452,8kg panguva imwe chete muna2019.

Nerimwe divi, bhizimisi rezvemakarwe nezvimwe rakakanganiswa zvikuru neCovid-19 zvakaita kuti pasawanikwe punduko kubva munaKubvumbi gore rapera.

Mari yakawanikwa kubva mukutengeswa kwematehwe emakarwe yaive yakaderera nechikamu che5 percent kana zvichienzaniswa nenguva imwe chete muna2019.

 

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×