Mahwindi baiwai jekiseni: Masvinu

Kingstone Mapupu

MURUME wekumbotora mukombe mumakwikwi ekunyangara chiso eMr Ugly – William Masvinu (46), uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Masvingo mubasa rechihwindi – ari kukurudzira mamwe mahwindi kuti vaende kunobaiwa majekiseni ekudzvirira chirwere cheCovid-19.

Masvinu, uyo kumusha anobva mubhuku raJaravaza, kwaGutu, kuMasvingo, akatora mukombe wekunyangara chiso kubva mugore ra2012 kusvika 2017.

Muchinda uyu agara achiita basa rechihwindi kubva mugore ra1989 uye ari kukurudzira vamwe vaanoshanda navo kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19.

“Nanhasi ndinodada nekuti ndini munhu akashata kudarika vamwe vose munyika muno. Kushata hakusi kuipa mwoyo saka ndave kutungamirira vamwe vangu mahwindi kuno kuMbare mumusika avo vanoshevedzera mabhazi kuti tinobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19. Uku ndiko kuti tizviraramise isu nevamwe munyika uye tisatapurirane hutachiona hwedenda ranetsa iri,” anodaro Masvinu.

Anoti kubva pakatangwa neHurumende chirongwa chekubaiwa kwemajekiseni aya, ivo semahwindi vakagara vakazvipira kuti vanoda kubaiwa, asi dambudziko ravainaro nderekuti havana nguva yekuenda kuzvipatara nemakiriniki kuri kubaiwa veruzhinji nekuda kwekuwandirwa nebasa.

“Ikurudziro yangu kune vamwe vangu mahwindi kuti tinobaiwa. Tinoda kushanda nevabereki takachena sekurudziro yeHurumende, uye tinokumbira kuti kudai vanamukoti vaunzwa panzvimbo yakaita seMai Musodzi Hall tizobairwa pedyo kana mamwe makiriniki ari kuno,” anodaro.

Masvinu anoenderera mberi: “Tinoshanda nenguva uye kubva kwangu pabasa kureva kuti handitambire mari musi iwoyo. Zvinotiremera kuenda kunobaiwa kure.”

Masvinu anoshora katsika kakaipa kanoitwa nemamwe mahwindi kekushungurudza vanhu vanenge vachifamba nzendo.

“Ndinoshora zvikuru vamwe vedu sevakabuda muvhidhiyo vachidhonza vamwe amai vairidza mhere vachida kuti vapinde mubhazi ravo. Tinokurudzira mapurisa kuti vasunge vanhu vakadai. Unonzwa sei iwe kana vari amai vako vachidhonzwa kudaro kana kuti ari mudzimai wako?

“Sepano paMbare, tine rank yekuGokwe apo mahwindi epo aita mukurumbira nekudhonza vanhu zvisingaite. Panokuvara vanhu asi pasina anosungwa, vanoipisa musika wedu weMbare saka ngapasungwe vanhu,” anodaro Masvinu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×