Basa rasarungano

Munyaradzi Gunduza
SARUNGANO vaiva ambuya kana sekuru vedunhu vane utsome pamwe neuseza hwenharaunda nemararamiro aitarisirwa mutsika namagariro avatema. Sarungano aive akangofanana nebhuku, mudzidzisi kana sahwira nokuti aipa vana ruzivo pamusoro penharaunda, uye rairo dzinodiwa maringe neupenyu hwavatema.

Aitorwa sebhuku sezvo mubhuku murimo munowanikwa ruzivo, uye mhinduro dzezvinhu zvakasiyana-siyana izvo vanhu vanenge vasina ruzivo pamusoro pazvo.

Sarungano aipa vana mhinduro pamibvunzo yaibata nharaunda dzavo sokuti sei dzimwe mhuka dzichigara mumvura, dzimwe dzisina muswe, uye dzimwe dzichigara musango.

Pakupa mhinduro idzi, sarungano ainge atoshanda zvakangofanana nezvinoitwa nemabhuku esainzi aya anotsanangura mamiriro akaita nharaunda pamwe nezvisikwa zvakasiyana. Sarungano ndiye zvakare aichengetedza chivanhu pamwe netsika namagariro avatema kuburikidza nekudzidzisa vana unhu hunotarisirwa zvichibva mungano.

Vana vaidzidzawo ngano dzakasiyana kubva kuna sarungano izvo zvaivabatsira kuti vazovewo nyanzvi mukutaura ngano idzi kune vamwe vavo. Nokudaro, sarungano aive denhe reruzivo. Kana rungano rwuine rwiyo, sarungano aive nebasa rekuvamba rwiyo pamwe nokudzidzisa vana nziyo nemaimbirwo adzo.

Pakuita ngano, sarungano haaigona kuita ngano ari oga pasina vateereri nokuti ndivo vaimupa manyawi okuita ngano.

Vateereri vaibvumira nziyo dzaiimbwa nasarungano, uye sarungano aipa vateereri nguva yekuti vambodzokororawo ngano dzaainge achivaudza achida kuona unyanzvi hwavo mukubata zvavanenge vadzidza.

Nokudaro, sarungano aishanda semudzidzisi anopa vana bvunzo pamwe nebasa rekuita kuti aone kana vakwanisa kubata zvavanenge vadzidza. Nokuda kwehochekoche iripo pakati pasarungano nevateereri, zvinoratidza kuti pasina sarungano hapana rungano, uye pasinawo vateereri hapana rungano sezvo sarungano aisakwanisa kuita ngano ari oga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *