
VABEREKI vane mwana asingagone kufamba nekuda kwemitezo isina kuita zvakanaka vemudhorobha reMarondera vari kukumbira rubatsiro kuruzhinji rwekuti vakwanise kumurapisa uyewo nekuti awane wiricheya.
Mai Mavis Nyangayi (31) nemurume wavo — VaLuckmore Nyangayi (38) — vepanhamba 4014 Zambuko, Rusike Phase 1, vanoti vane dambudziko guru remwana wavo ane mitezo isina kusimba uyo asingagone kufamba. “Tine mwana wedu wekutanga ane makore matatu ekuberekwa, Isheanesu Mukumba, asingagone kufamba anotoita zvekukambaira. Dai tawanawo wiricheya nemari yekumurapisa uyewo anonzi anofanirwa kudya chikafu chine ruwomba kuti mabhonzo ake nemimwe mitezo isimbe,” vanodaro Mai Nyangayi.
Vanoti mwana uyu vakamubereka ari gavamwedzi ndokukura achingonetsekana nekurwara kusvika izvozvi. “Taenda kuzvipatara zvakasiyana uko tinonzi tibhadhare mari yakawanda zvikuru iyo tinoshaiwa. Takambomuendesa kuchipatara cheChitungwiza (Central Hospital) tikanzi amboita mitambo yekusimbisa miviri asi hazvina kubatsira kusvika izvozvi.
“Anotaura asi kufamba haagone, anomira nemadziro achipunzika kurakidza kuti makumbo ake nemawoko nemimwe mitezo hazvina simba,” vanodaro.
Kune vanokwanisa kubatsira mwana uyu vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0716 090 212 kana 0783 654 141 votaura nevabereki vake.
“Mwana uyu akashaya wekuti amusimudze kuenda kuchimbuzi anoitira tsvina panzvimbo yaagere. Pfungwa dzake nezvimwe zvose zvinoshanda zvakanaka, munguva pfupi iri kutevera anenge ave kuenda kukireshi nekuchikoro saka zvichanetsa kuti tizive kuti anofamba sei,” vanodaro.




