Kukanga mutetenerwa

NZUNGU chirimwa chakakosha zvikuru sezvo dziine kudya kunovaka muviri semapuroteni. Nzungu dzinogona kudyiwa dziri nepakawanda — dziri nyoro, dovi riri muusavi kana mubota, gwatakwata, mumhare kana kukanga kuita mutetenerwa.

Kune nzira dzakasiyana dzekubika kana kukanga nadzo nzungu zvichienderana nesarudzo yemunhu.

Nyanzvi mune zvekukaringa muHarare inozivikanwa saMai Mupositori inotsanangudza makangirwo anoitwa mutetenerwa, munhu agonakirwa zvekuti anodzikisa jomupii rose rizere mvura.

KUGADZIRA:

Mutetenerwa inzungu dzakaoma uye dzikamenywa ndokukangwa dziine munyu. Mutetenerwa haunetsi kugadzira. Chekutanga unofanira kuona huwandu hwenzungu dzako nepoto kana hari yauri kuda kukangira uye kuti dzisawandise unoisa shoma-shoma, ndiko kuti dzisazotsva. Poto kana gango racho rinofanira kunge rakachena. Unoisa nzungu dzakafanira mupoto wodzikanga kusvika dzaibva.

ZVOZODINI?

Dira mvura shomanana inenge iine munyu wakanyungudika nekuti ukakanda munyu wakadaro unokundikana kunyungudika vanhu vozoutsenga pakudya. Ramba uchikanga kusvikira nzungu dzisisina mvura wozodzibura. Unogona kudziisa mutsero kana mundiro wakadziparadzira kuti dzinyatsooma zvakanaka.

UNODYA NEI?

Mutetenerwa unogona kudyiwa nesadza kana wakadaro mushure mekudya zvimwe sedhizeti.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×