‘Mwana handichengete, ndakakutsvagira basa’

Kudakwashe Chinokuya
VANHU vaive mudare vakashaya neremuromo apo mumwe mukadzi akati anoda kuti mumwe murume achengete mwana waasina kumbobvira akaona kana kuziva zita rake.

Cynthia Tanha akamhan’arira Bongani Takwa kuHarare Civil Court achiti ndiye ari kungochengeta mwana oga kubva paakamuzvara.

“Kubva pandakazvara mwana ndini ndinomuriritira asi murume uyu hapana kana zuva rimwe chete raakambouya kana nesipo chaiyo. Ndinoda $60 yekuti ndibhadhare mushandi anochengeta mwana ini nditsvagewo basa ndiriritire mwana wangu nekuti anorwara.

“Ndaimbogara nevabereki vangu asi ndakazoona kuti ndava kuvaremedza mutoro nekuda kwemurume uyu anozviti ndimaneja,” akadaro Tanha.

Takwa akapokana nemashoko aTanha achiti kubva pakazvarwa mwana anotaurwa uyu haasati amuona.

“Kubva mukadzi uyu paakasununguka haasati andiratidza mwana. Akambondifonera achiti mwana ari kurwara ndikati auye naye tiende kuchipatara akaramba.

“Ndakazomuti auye nemwana tikwanise kumutoresa gwaro rekuzvarwa zvikashaya basa achindipomera mhosva yekuti ndinozoshandisa mushonga pamwana. Saka nhasi zvatondishamisa kuti anoda mari yei pamwana wandisingazive kana zita rake,” akadaro.

Akati mari yaidiwa naTanha yekubhadhara mushandi anorera mwana haana.

“Mari yekuti ndibhadhare mushandi wake ini handiikwanise nekuti hapana basa raanoita zvichireva kuti nguva zhinji anoswera nemwana. Ndakamutsvagira basa pandinoshanda ndichiti akwanise kuriritira mwana kana achiti ndewangu akaramba. Saka ndaona zvisina kukodzera kupa munhu mari iye asingade kushanda,” akadaro Takwa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya iyi yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×