‘Batsirai vanotambudzika’

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-fusion Lovemore Nherudzo — uyo vazhinji vanoziva saLovezh — anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatsire vanhu vanotambudzika muhupenyu hwavo senzira yekudzorera kunharaunda dzavanoshandira.

Lovezh, uyo anofamba nechikwata cheBrave Stars, parizvino akwanisa kutsikisa madambarefu mashanu.

Gore rino chete, akaparura maviri anoti Wenyama Ngaafare naMwari Mupenyu iro achangobva kuparura masvondo adarika.

Lovezh anoti vari mune zvemagitare vanofanirwa kushandisa mukurumbira wavanawo kubatsira vanotambudzika muhupenyu hwavo sezvo vari vamwe vevatsigiri vavo vanoita kuti mhanzi yavo iyende mberi.

“Sevaimbi, kuti tiite mukurumbira watinawo uye tiende kure nemhanzi kana kuenda kune dzimwe nyika, vatsigiri vedu vakasiyana vanomira nesu pazvinenge zvakanaka uye zvakaipa.

Saka isu tinofanirwa kumirawo navo uye kurangarira vanotambudzika muhupenyu.

“Ini ndakaita chitsidzo kuti ndinoda kubatsira vanotambudzika muhupenyu uye ndiri kushanda zvakasimba kuti zvose zvandinowana mumagitare ndigovabatsira nekuti ndivo vamwe vanonditsigira mumagitare,” anodaro Lovezh.

Shasha iyi yakamboshanda nevaimbi vanosanganisira Somandla Ndebele, Mark Ngwazi naJean Masters.

Anoti Suluman Chimbetu mumwe wevaimbi vaanoyemura zvikuru kuburikidza nemashandiro aanoita.

“Vaimbi tinofanirwa kuyemurana uye ini ndinoyemura zvikuru vaimbi vanosanganisira Sulu, muimbi uyo ane chido chekusimudzira vamwe saka tose vaimbi tikabatana kudaro tinosvika kure,” anodaro Lovezh.

Dambarefu rechishanu iro achangobva kuparura rine dzimwe nziyo dzinosanganisira Vana VemuZimbabwe, Mwari Mupenyu naWepamoyo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *