Batsiraiwo murwere wegomarara Dube

Muchaneta Chimuka
MUKOMANA wechidiki wekuArda Transau iri kwaMutare ari kutsvaga rubatsiro rwemari inokwana US$650 kuruzhinji rweZimbabwe yekuti akwanise kurapwa chirwere chegomarara reganda icho chiri kumutambudza zvakanyanya kubvira gore rapera. Isaac Dube (28) anoti akambonovhiiwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals mushure mekubatsirwa neimwe nhepfenyuro yemuno asi gomarara iri riri kuramba richinyuka panhengo dzakasiyana dzemuviri wake dzinosanganisira kumusana, pamuromo, mumawoko nemaziso.

Haackakwanisa kutaura zvinonzwika mushure mekuvhiiwa kwaakaitwa muromo.

“Ndinokumbirawo rubatsiro rweUS$650 iyo iri kudiwa nemachiremba ekuParirenyatwa Group of Hospitals kuti vandivhiye. Ndakambovhiiwa muromo, maziso neruwoko asi gomarara racho riri kuramba richibuda. Handinawo mafuta ekuzora emasuncreen lotion,” anodaro Dube.

Vangade kubatsira Dube vanogona kumubata panhare dzinoti 0776 168 810.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *