Xhaka mbambo yeArsenal

MUTAMBI weSwitzerland, Granit Xhaka (23), ari kutarisirwa kutamba chinzvimbo chikuru kuArsenal zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nemari inosvika 35 miriyoni paunzi achibva kuBorussia Monchengladbach, sekufunga kwaPer Mertesacker. Chizvarwa chekuGermany ichi chinoti chakamirira kutamba naXhaka uyo akatengwa kuEmirates asati aenda kunokwikwidza kumutambo weEuro 2016.

Mutambi weSwitzerland uyu akatamba mumitambo mina yose yenyika yake kuFrance, uko yakazoburitswa nePoland kumapena kunyangwe hazvo Xherdan Shaqiri akanwisa gobhora raiyevedza zvikuru.

Achinyora padandemutande reArsenal, Mertesacker (31), akabuda pachena kuti ari kutarisira kutamba pamwe chete naXhaka. “Handimuzive zvangu iye kuti anoita nezvei asi hazvina basa, tichawirirana sezvo mutambi anogona uye akaita zvakawanda kuBorussia Monchengladbach,” akadaro Mertesacker.

“Anotaura chiGerman zvakadzama, saka zvichange zvichifadza kushanda naye pamwe chete uye tichimubatsira kuti azive chikwata chino. “Mutambi anotungamira muchikwata izvo zvakakosha chaizvo, kunyanya chinzvimbo chaanotamba. Ane hunhu hwakanaka uye anotamba zvinonwisa mvura.

“Anotamba nevamwe zvakanaka, anopira haanyime. Ndiri kutarisira zvikuru kumuona achitamba kuti anozviita sei, mugadzriro dzedu pamwe nemitambo. Achave mutambi akakosha zvikuru kwatiri.” — Daily Mail Football

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *