Batsiraiwo Owen

Ed3
OWEN Chidzombe

Sandy Musungata
MUMWE mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, uyo ari mugore rekutanga achiita zvidzidzo zvekurapa (Medicine), ari kukumbira rubatsiro kuruzhinji rweZimbabwe, kana kune vemakambani, rwemari inosvika $1 200 pasemester yoga-yoga yekuti akwanise kuenderera mberi nefundo yake.

Owen Chidzombe anoti ashaya pekutangira nekuda kwedambudziko raakatarisana naro rekushaya mari yechikoro.

“Ndiri kutsvagawo mari yechikoro kuti ndikwanise kupedza zvidzidzo zvangu ndichibhadhara $1 200 pa‘semester’. Mari yekutanga ndakakwanisa kuzvibhadharira mushure mekunge ndambonodzidzisa asi imwe iri kudiwa kuti ndienderere mberi handina uye vabereki vangu havakwanisi kuiwana,” akadaro Chidzombe.

“Pamba pandinoroja muHarare panogara vana vechikoro saka ndakatanga kuita dambudziko remari ndikaudza varidzi vemba vakanzwisisa ndokunditi ndipote ndichigeza zvimbuzi nekunhonga marara ndichigara pachena.”

Anoti vabereki vake havana pekutangira nekuti vakapedza danga rose remombe vachimudzidzisa kubvira kupuraimari kusvikira kusekondari.

“Kutaura kuno hapana kwandinotarisira kuti vabereki vangu vangawane mari, varombo nekuti mombe dzese vakapedza kutengesa pandakaita Form 4 neA-Level saka zvakatondiomera. Ndakambozama kuenda kumapazi anoona nezvekubatsira nemari yechikoro asi kwakawanda kwacho vaiti vanobatsira nherera chete.

“Ndinoshuvira kuti kana paine anokwanisa kundibatsira andiyamurewo kana kuti vemakambani anoona nezveutano vanditore ndivashandire kana kuti ndizovashandira ndapedza chikoro vachibata mari yavanenge vandibatsira nayo,” akadaro.

Chidzombe paA-Level akanyora bvunzo yezvidzidzo zvinoti Chemistry, Physics neGeograhpy ndokubuda ne17 poinzi. Anoti anoshuvira kuzova chiremba uye nekuzobatsirawo vana vanenge vabudirira muzvidzidzo zvavo vachishaya mari dzekuenderera mberi nedzidzo.

Vanoda kumubatsira vanokwanisa kumubata panhare yake inoti 0739 605 010.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×