George anoudzwa kuti achabuda muchipatara

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 25 (Nyaya yacho)
Nomusi weMuvhuro mudzimai waGeorge anodzoka kuHarare ndokunanga kuchipatara cheParirenyatwa uko anowana murume wake akagara nemanhede achiverenga bhuku rinonzi “Tambaoga Mwanangu” iro ainge apihwa kuitira kuti avaraidzike.

Mudzimai anomuudza mamiriro akanaka ezvinhu kumusha.

Mai Chimanga vanobva vasvikawo kwava kutandara kusvika nguva dzekuona varwere dzadarika.

Manheru eChipiri chiremba Zvoupenyu vanouya kuzoona kuenderera mberi kwekudzika kwe B.P yaGeorge ndokumubvunza kuti angade kunozorora ari kumba here iye ndokuti hongu.

Mangwana acho manheru, mudzimai wake, Mai Chimanga, vatezvara naambuya vake vauya kuzomuona ndokuvataurira kuti nemusi weChina achaburitswa apa Andrew anobva asvikawo ndokubva ati achavatakura nemotokari nemusi weMugovera.

Chiremba Zvoupenyu vanopinda mukamuri iyi kwava kuudza mudzimai waGeorge nezvekuburitswa kwake zuva raitevera ndokuvakurudzira kuti kana vaenda kumusha vanoda kuti vanoshandisa mapiritsi aachavapa nenzira yavanenge varairwa nayo kwemwedzi mitatu iyewo George achiuya kuzoongororwa B.P kamwe chete pasvondo.

Kana pane chinenge chanetsa mukati memwedzi mitatu yacho, zuva ravachapihwa rekudzoka kuchipatara risati rasvika, vanouya naye kuchipatara kuzoona iye Zvoupenyu. Chiri kunyanyotsvagwa panaGeorge mushure memwedzi mitatu ndechekutangazve kuongorora patsva nemishina yavo sezvo vari kufungira kuti pangangove nechimwe chirwere.

Amai vaTendai vanozobudamo voteverawo vamwe vavo avo vavanoona vakamira panze.

Andrew naamai vake vari mumotokari kumirira mai vaTendai kuti vaonekane nevabereki vana Mai Chimanga vanotenda mwana wavo nekuramba kuti sekuru vake vaende kumusha nebhazi.

Vanoti mangwana acho anyorere mainini vekuMhondoro tsamba achivaudza kuti urwere hwaGeorge hauna kushanduka izvo Andrew asingafadzwi nazvo nekuti vana chiremba kana vava kuburitsa munhu muchipatara vanenge vaona kuti ave nani.

Vanomutsiura vachiti vaona zvakawanda, vanoda kutaura zvinhu zvazviri, ngaarege kunyengererwa nekunyemwerera kuri kuitwa nasekuru vake.

Ipapo mudzimai waGeorge anobva asvika ndokupinda mumotikari inobva yamutswa muchembere agere pakati.
Ongororo

Maererano netsika nemagariro aAndrew, tinonzwa kuti muzukuru uyu aive munhu aida kufadza vanhu nekuti zvinonzi, “. . . akaenderera mberi nenyambo dzake” (91)

Tinonhongana netsumo imwe iyo Andrew anoshandisa kuitira kuti sekuru vake vawirirane nezvaari kufunga.

Haaone pane chinonetsa kuti George azoenda kumusha nemusi weMugovera. Kurara kwasekuru vake kwemusi weChishanu chete hakungatadzisi kuti zvinhu zvienderere mberi nekufamba zvakanaka kumusha uku nemhaka chete yekuti George arare muHarare usiku hweChishanu achifanirwa kunge ava kumusha. Saka Andrew achizoti kwavari, “Zuva rimwe chete hariodze nyemba, sekuru” (91). Tinozosanganawo nedzimwe gadziramutauro.

Enzaniso tinodziona dzichishandiswa. Panosvika mudzimai waGeorge kuchipatara kunoona murume wake, vaviri ava vanokwazisana vachinyemwererana “sejaya nemhandara” (90).

Manheru eChipiri apo George anobva mukuongororwa B.P yake ndokuonekwa kuti yainge yakadzika uyewo nekuudzwa kuti angade kuenda kumba here, anonyatsokotsira “sepwere” (91) achifarira mashoko ekuenda kumusha.

Tozoti kudimikira tinokuona kuchishandiswa zvakati kuti apo George anotsanangurirwa mamiriro ezvinhu kumusha nemudzimai wake anoona zvinhu zvakagadzikana kuti “zvichingova muchechetere mvura yeguvi” (90).

Bhuku iro George ari kuverenga raita kuti ashamisike zvikuru nekushinga kwevanakomana “rinondikandisa mapfumo pasi” (90).

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×