Bazi roti zhizha raakupera

Kingstone Mapupu
BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reZimbabwe Meteorological Services Department rinozivisa kuti mwaka wezhizha wave kusvika pakunopera izvo zvinogona kukanganisa zvirimwa zvizhinji munyika sezvo zvichiri kuda mvura yakawanda kuti zvinge zvichisvika pakuibva. VaJohn Mupuro vanova Senior Meteorological Officer kubazi iri vanoti havasi kutarisira kuti kuchange kuchinaya mvura yakawanda kumativi mana enyika kubva pari zvino zvichienda mberi. “Mwaka wedu wezhizha wasvika kwekupedzisira, tinotarisira kuti mvura yakanaya masvondo mashoma akadarika ndeye kupedzisira,” vakadaro VaMupuro.

Zvakadaro, gurokota rebazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura zvirimwa zvemuminda yechibage yakatandavara mahekita 300 000 zvakatsva kumatunhu akasiyana enyika.

“Zvirimwa zvedu zvinosanganisa chibage nezvimwe zvidiki kune dzimwe nzvimbo hakuna chinokohwewa zvachose,” vakadaro. Kudunhu reMidlands nzvimbo dzine zvirimwa zvakatsva dzinosanganisira Zvishavane, Mberengwa, Shurugwi neKwekwe.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×