Bembera padare: Gava richadambura musungo

naWedzerai Nhemachena

MUKUGARA kwedu mumisha, mumatunhu kana mumakambani edu, tinoona kazhinji vanhu vachiita mujaho vari voga. Vanoda kuti vave nechimuti ivo chete pane zvose zvavanoita. 

Vanoita izvi kazhinji nechinangwa chekuda kuwana nyembe dzekuti ndivo shasha kupinda munhu wose munzvimbo dzavari idzi. 

Mukudaro, vanopotswa nedzidziso dzinozivikanwa neveruzhinji. 

Nokuti vanhu vanenge vave kuziva maitiro evanhu vakadai, vanovasiya vakadaro kuti vatambe nhabvu voga munhandare. Nedzimweni dzenguva, vanotora zvisiri zvavo nekuda mbiri. 

Izvi zvose zvinenge zviri mumaziso evemwe vadare asi vakanyarara zvavo semarema. Ruzhinji rwunenge rwuchimirira zuva rimwe chete apo gava richadambura musungo.

Zvino kana gava radambura musungo, nyaya yese inenge yatominama.

Vamwe vakaona kuti ndipo pauri kuda kupinda napo pekuti iwe uve ndiwe chete mumusha kana mukambani, vanokuteyera riva. Iwe nekuda zvinhu segonzo, uchapindamo uchiti ndiwe wega unoona kuti paita nzungu vamwe vose havasi kuona nzungudzo. 

Kana zvadaro, hauchagona kupunyuka, hauchina waunochemera, wauchakumbira rubatsiro nokuti waizviita mungwaru kudarika vamwe vose.

Padare rino pakasvika mumwe sorojena akapa muenzaniso waiitika chinyakare kuvanhu vakadai munzvimbo yaanobva. 

Sorojena uyu anoti kana munhu wabatwa usiri panzvimbo yakakodzera, vanhu venzvimbo iyoyo vaitora mapfumo voacherera pasi vachisiya miromo yemapfumo akatesvera ari pamusoro pevhu. Iwe nyakushaisha vaiti chizvidonhedzera pamusoro pemapfumoyo. Aya ndiwo aiva marangiro aiitwa nhunzvatunzva chinyakare.

CHENJEDZO:

Sedare, takaona zvakakodzera kuti tizivise ruzhinji kuti mazuva ano hatikurudzire kuranga nhunzvatunzva nenzira iyi. Chatinokurudzira kubata chidzidzo chatinowana pane nyaya iyi. 

Chidzidzo ndechinoti vanhu vanonokuteya kana ukaita mafambiro nemabatiro asiriwo mumusha, mudunhu kana mukambani. Saka chiiko chaungaite kuti vanhu vasakuteye iwe samusha, sadunhu, muzvinakambani nesu tose vadare?

Ngatibatei zvakanaka, ngatifambeyi zvakatwasuka, ngatibatei munhu wose neruremekedzo tisingaone munhu seari pamujaho nesu. Hongu mujaho ukaitwa zvakanaka hauna kuipa nokuti unotisvitsa pakushandisa hunyanzvi hwedu kuti tibudirire semusha, sedunhu, sekambani, kana senyika.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×