Musavhunduke zvenyu: Hurumende

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti zvisinei nekuti chirwere cheCovid-19 chiri kunyuka muzvimwe zvikoro, huwandu hwenyaya dzerudzi urwu dzazivikanwa kusvika pari zvino huchakaderera nekudaro veruzhinji havafanirwe kuvhunduka.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti nyaya zhinji dzeCovid-19 muzvikoro kusvika pari zvino ndedziya dzevarwere vasina zviratidzo (asymptomatic).

“Muzvikoro pari zvino nyaya dzechirwere ichi dzava kusvika 332, zhinji dzacho hadzina zviratidzo uye vakabatwa nacho vari kupatsanurwa kubva kune vamwe vachibatsirwa nechikwata cheRapid Response Team mumatunhu iwayo,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Cabinet inoda zvakare kuvimbisa veruzhinji kuti huwandu hwevadzidzi nevarairidzi vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kusvika pari zvino kubva pavadzidzi 4,5 miriyoni nematicha 121 272, huchakaderera zvikuru. Nharaunda dzechikoro dziri kuramba dzichiongororwa zvakare nechinangwa chekurwisa chirwere ichi.”

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwedenda iri.

Kusvika nemusi weChipiri chino, vanhu 10 912 vakange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 9 062 vakatopona asi vamwe 303 vakafa.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×