AARON Ramsey ari kuzvitemba kuti Wales ichabudirira kunotamba kumutambo mukuru asi hunge yakakunda Bosnia.
Chikwata chaChris Coleman chakatadziswa kupemberera svondo radarika kuCardiff City Stadium mushure mekunge chaita mangange 0-0 neIsrael.
Asi chiri kungoda chibodzwa chimwe chete mumitambo yacho miviri yasara uye Ramsey ari kuzvitemba kuti vachanohwina kuZenica musi wa10 Gumiguru.
“Zviri pachena. Tinozviziva kuti tinogona kuenda ikoko tonotora zvibodzwa *zvose zvitatu,” akadaro mutambi weArsenal uyu.
“Morari muchikwata chedu wakasimuka parizvino. Tinovimba kuti tichanokunda kuti tipedzise zvatange tatanga izvi.”
Wales yakagumburwa zvikuru nechikwata cheIsrael icho chaivhara gedhi zvakasimba ndokutadza kunwisa kunyangwe hazvo yaitamba nhabvu inodakadza.
Ramsey akapotsa bhora mutambo uyu uchangotanga.
Chikwata chaColeman chakarakidza hacho kuti hachingonwise nyore uye izvi zvakakosha apo pavachasangana neBosnia.
Chinoda chibodzwa chimwe chete pachichasanganawo neAndorra pamusha payo kuti chihwinhe tikiti rekuenda kumutambo weEuro 2016 uyo uchatambirwa kuFrance.
“Zviri pachena kuti hatina kufara kuti hatisati tabudirira kuenda parizvino,” akadaro Ramsey uyo akaona chimwe chikwata chemuboka ravo reB Belgium chichipotsa chakanganiswa neCyprus paaive nevamwe vatambi veWales vari muhotera kuCardiff Bay. Tinodzidza zvakawanda kubva mumutambo weIsrael. Taive nebhora kakawanda, asi hatina kukwanisa kunwisa chete. — Daily MailOnline




