Bhasikoro hutu nahwindi

HWINDI wekukumbira bhasikoro remumwe murume achida kuti ambochovha kwekanguva kadiki asi ndokuzoenda naro zvachose apo akanoritengesa, akazoigochera pahutsi zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekuba nedare.Gift Mutandwa (20) wemubhuku rekwaDheka, kweSeke, akabvuma mhosva yekuba bhasikoro raAct Mudimu (38) wepanhamba 787 Unit F, kuChitungwiza, apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Takundwa Mutetwa.

“Hongu, ndakatora bhasikoro remuridzi ndikanyepera kunge ndinoda kuritasva ndichibva ndanoritengesa kumusika uri paMbudzi Round About kune mumwe mupfuuri ndikawana US$50,” akadaro Mutandwa.

Kuti dare remunzwire tsitsi, Mutandwa akati anoshanda sahwindi achiwana US$5 pasvondo uye haasati aroora.

Mutandwa akaongororwa nemapurisa ndokuonekwa kuti haakodzeri kuti apihwe chirango chekunofondoka pasina muripo sezvo akambopara dzimwe mhosva.

Nokudaro akatenherwa muchizarira kuitira kuti ange achizopihwa mutongo wake.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa2 Chikunguru munguva dzeusiku, Mudimu akasvika paMungate Business Centre, kwaSeke, achibva amisa bhasikoro rake pachimwe chitoro panove paive naMutandwa neshamwari yake inonzi Godwin Mhofu.

Mhofu anonzi akakumbira kuti ambochovha bhasikoro kwekanguva kadiki achibva apihwa mvumo naMudimu ndokuzoridzosa.  Mhofu akazopa bhasikoro iri kuna Mutandwa uyo ainge akumbirawo kuti amborichovha kwekanguva kadiki asi akazoita museve waenda neuma naro.

Bhasikoro iri akanoritengesa neUS$50 asi raikosha US$250.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *