Nadal ozvitemba

RAFAEL Nadal ari kuzvitemba kuti achange apora panguva yekunokwikwidza kumitambo yeRio Olympics iyo iri kutanga svondo rinotevera kunyangwe hazvo asati ambotamba kubva paakakuvara ruwoko rwake musi wa27 Kurume.Shasha iyi yakahwina mitambo yegrand slam ka14 uye yange isiri kukwikwidza kwenguva refu zvichitevera kukuvara kwayakaita ruwoko kumitambo yeFrench Open izvo zvaizomutadzisa kunotamba kuWimbledon.

Nadal, uyo anove wechina pasi rose pavatambi vanogona mutambo uyu, aitarisirwa kudzoka kuzokwikwidza kuRodgers Cup kuToronto asati aenda kuBrazil svondo rinotevera asi akakundikana pamwe chete naAndy Murray naRoger Federer.

“Ndinovimba kuti zuva rose ringe richifamba zvakanaka ndichigadzirira kuitira kuti ndisvike kuRio ndakagadzirira, kunyangwe hangu ndichiti muhupenyu uhu hamuna zvinhu zvatinoti ndizvo chaizvo zvinoitika,” akadaro Nadal.

“Ndiri kunzwa zvakanaka, ndiri kushanda uye ndiri pakati pekuongororwa ruwoko rwangu. Nguva inotarisirwa kudzokwa kwangu ndiyo chaiyo, pane masvondo maviri asara kuti titange kukwikwidza.”

Nadal, uyo akahwina menduru yegoridhe kumutambo wemaOlympics wakaitirwa kuBeijing makore masere adarika, ari kuda chaizvo kukwikwidza kuRio mushure mekukundikana kuenda kuLondon mugore ra2012 zvichitevera kukuvara kwaainge akaita gumbo rake.

Achatamba zvakare mumitambo yevarume yemadoubles akabatana naMarc Lopez.

“Mitambo yemaOlympics ndeyekungonakidzwa nayo nguva ichiripo,” akadaro.

“Ndinovimba kuti gore rino zvinhu zvichandifambira kwete zvakaitika kuLondon.” — Daily Mail Tennis

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *