Seed Co yakapa mabhini kuDavid Livingstone

KAMBANI ine mukurumbira mukuuchika mbeu, yeSeed Co Limited, nemusi weChipiri svondo rino yakapa mabhini ekuisa marara kuchikoro cheDavid Livingstone Junior School chiri muHarare izvo zvichabatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda yakachena.Vachitenda rubatsiro urwu, mukuru wechikoro ichi, VaNewton Ndhlela, vanoti pachikoro chavo pane vana vanosvika 2 000 nekudaro dambudziko repekurasira marara range rakakura.

“Tinotenda zvikuru nekutirangarira kwamaita veSeed Co, matibatsira tisingafungire. Marara idambudziko guru munzvimbo muno nekuti mamwe anobva pachikoro pamwewo achibva munharaunda nekuvapfuuri. Kana mabhini avapo seizvi tinovimba kuti huchapa uye zvirwere zvichaita zvishoma,” vanodaro VaNdlela.

Pastor Victor Ferreira vekuCelebration Church, vanove mugari munharaunda yechikoro ichi, vanoti vave nemakore anodarika matatu vachiita basa rekunhonga marara munharaunda.

“Ndave nemakore anodarika matatu ndichiona kuti nzvimbo ino yashambidzika nekuti vanhu vanongorasira marara pese-pese. Saka tinotenda kuti mabhini avepo zvichaderedza kupararira kwemarara,” vanodaro.

Mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa, anoti chinangwa chekambani yavo kubatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda kuburikidza nekupa mabhini emarara.

“Mumakore adarika, takapa mabhini anodarika zana kunzvimbo dzakasiyana idzo tinoitira mabhindauko ekurima. Tiri vanhu vanoona nezvekurima nekuwaniswa kudya kweruzhinji. Asika, hatikanganwi kuti marara edu anofanira kuchengetedzwa,” vanodaro.

Vanoti vachaenderera mberi nekupa mabhini kuzvikoro zvakatekeshera nenyika kuti pasanyuke zvirwere zvakaita sezvemanyoka.

Mukushi wemashoko kukanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vakatenda zvikuru rutsigiro urwu vachiti rwuchaita kuti guta rigare rakachena.

Vakafanobata chigaro chemukuru wechikamu cheEnvironment and Amenities kukanzuru yeHarare, Engineer Calvin Chigariro, vanotiwo mabhini aya anofanira kushandiswa nemazvo uye marara arimo achibviswa nenguva kuti asazopararira nenharaunda.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *