Bhizimisi rekupfuiwa kwehuku rovandudzwa

Munyori weKwayedza
SANGANO rinomirira varimi vanopfuya huku dzenyama nedzemazai reZimbabwe Poultry Association (ZPA) rinoti rakazvipira kusimudzira indasitiri iyi munyika muno.

ZPA inoti ichaita musangano mukuru wePoultry Indaba nemusi wa4 Chikunguru paART Farm kuPomona, muHarare nechinangwa chekupangana mazano ekuvandudza bhizimisi rekupfuiwa kwehuku nevarimi.

Zvichitevera kusimudzirwa zvakare kwakaita bhizimisi rekuchengeta huku dzenyama nedzemazai mushure mekunyuka kwechirwere cheAvian Influenza munaChivabvu 2017, indasitiri yezvekupfuiwa kwehuku iri mugwara rekuvandudzwa.

Varimi vari pakati nepakati ndivo vakawanda kana zvichitariswa indasitiri yekupfuiwa kwehuku muZimbabwe.

Varimi ava — avo vanowanikwa munzvimbo dzinosanganisira pedyo nemaguta nemadhorobha uye nekumaruwa — vakasimudzira kupfuiwa kwehuku dzenyama nekuchengetwa kwemazai zvikuru pakati pemakore 2012  na2018 kana zvichienzaniswa nemakore ekuma1990.

Kunze kwevarimi, kune vanhu vakawanda vari kuwana raramo kuburikidza nebhizimisi rekupfuiwa kwehuku avo vanosanganisira vanotengesa nyama yehuku pamwechete nemazai uyewo nevanogadzira chikafu chehuku.

Zvakadai, mamiriro ezvinhu parizvino – ayo anosanganisira kusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno pamwechete nekudhura kuri kuita zvinhu – zviri kuita  kuti varimi vasangane nezvimhingamipinyi mubhizimisi rekupfuiwa kwehuku.

Varimi vanopfuya huku vari kudhurirwa zvikuru nekutenga chikafu izvo zviri kuita kuti purofiti yavanowana ive shoma zvakanyanya.

Nechinangwa chekuti varimi vange vachivandudza basa ravo, musangano uyu uchakurukura pamusoro penzira dzakasiyana dzingashandiswe mukusimudzira mabhindauko avo.

Zvimwe zvichakurukurwa nezvazvo pamusangano uyu zvinosanganisira zvinokanganisa huku dzenyama nedzemazai kuti dzinyatsodya chikafu zvakanaka uye nekuti murimi angaite sei kuti asimudzire bhizimisi rake.

Pamusangano uyu pachange pachitaridzwawo chikafu chakakodzera kupa huku dzemazai nedzenyama.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *