Makuwerere kuADMA Agric Show

Wendy Madzura
VANHU vakanga vari mavhu nemarara kubva musi wa13 kusvika 15 Chikumi muguta reHarare kumutambo weADMA Agric Show.

Uyu mutambo unoitwa kamwe chete pagore.

Pamutambo uyu, vemakambani ezvekurima vanowana mukana wekuratidzira midziyo yavanenge vachikurudzira kuti varimi vashandise mumabasa avo kuti kurima kwavo kuvape pundutsu.

Vamwe vanenge vachiratidzira zvavanogadzira zvinosanganisira mbeu, mafetireza nemishonga yekurimisa.

Mutambo waiva nevarimi vakasiyana-siyana avo vakabva kumativi mana enyika pamwe chete nevainge vabva kune dzimwe nyika.

Seed Co ikambani inoshingirira kuti varimi varime zvemhando yebhizimusi  kuti vawane pundutso mumabasa avo.

Seed Co ikambani inoshingirira zvikuru kuti varimi vapangwe mazano anovapundutsa mumarimiro avo nokudaro pamagungano ose ine varimi vayo vanowanikwa varipo seapa yaive iri imwe yemakambani airatidzira pamutambo mukuru uyu.

Pamuzinda weSeed Co kumutambo uyu, paive nembesa dzakasiyana-siyana idzo dzairatidzirwa pamwe chete nekutsanangurirwa varimi. Sezvo Seed Co yave kufamba nedingindira rekuti, “KUTI SEED CO NDOKUTI SADZA NEMURIWO”, pamuzinda wayo paive nembesa dzinosanganisira makabichi (Fabiola neDelight), madomasi (Daisy neNash), hanyanisi (Arda F1 neElad) nematsvimbonhanga (Butternuts – Avalon neUltra) nedzimwe mbesa dzemuriwo dzainge dzabva kumunda unorimwa neSeed Co uri kuMt Hampden.

Paivewo nezvirimwa zvainge zvabva kumunda zvaisanganisira chibage (kubva kuTsuro, Tsoko, Mbizi (anaManjenjenje), Shuma nehuru yadzo Nzou, soya bhinzi (SC Serenade neSC Safari) pamwe chete nesugar beans (SC Bounty).

Mutambo uyu waiva wemazuva matatu asi chokwadi hutaurirwa hunyimwa, varimi vakakunda kuuya kumutambo uyu vakawana dzidziso dzakadzama maringe nenyaya dzekurima dzinosanganisira kusarudza mbeu nehungwaru, kukosha kwekushandisa michina pakurima zvine pundutso pamwe chete nekutevedza nzira dzakanaka kumunda (Good agronomic practices).

Varimi vanokurudzirwa kuenda kumitambo yakaita seiyi kuti vanowedzera ruzivo rwavo panyaya dzekurima.

Kurima ibhizimusi nokudaro varimi vanofanira kuve nechido chekucherechedza nekutsvaga mazano anoita kuti varime zvine pundutso.

Kuti Seed Co ndokuti sadza nemuriwo, Kuti sadza nemuriwo ndokuti Seed Co. ZVINOTANGA NEMBEU CHAIYO!

 

l Mai Wendy Madzura mudhumeni kuSeed Co uye vanobatika panhare dzinoti: 0713 270 080 kana 0773 270 080

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *