Bhizimusi renhabvu rakaoma: Mubaiwa

KENNY Mubaiwa
KENNY Mubaiwa

SACHIGARO weDynamos FC, Kenny Mubaiwa, anoti chikwata chavo chiri muhurukuro nekanzuru yeHarare kuti chikwanise kudzokera kunoshandisa nhandare yeRufaro Stadium mumitambo yemuligi zvichitevera kudzikira kwevatsigiri vari kuuya kuzoona mitambo yavo kuNational Sports Stadium.
Makore adarika, DeMbare sezita remadunhurirwa reDynamos, yaizivikanwa ichishandisa nhandare yeRufaro Stadium iyo iri kuMbare muHarare asi gore rino yakabva ndokutanga kushandisa National Sports Stadium.

Zvisinei, zvinhu hazvisi kufambira chikwata ichi zvakanaka kunhandare iyi sezvo vatsigiri vari kubhadhara kuzoona mitambo yacho vari kudzikira zvikuru.

Mubaiwa anoti chikwata chavo chiri kushamisika zvikuru nekuderera kuri kuita vatsigiri vari kuuya kuzoona mitambo yavo saka parizvino vave kumhanya-mhanya kutsvaga nzira dzekuti vagadzirise dambudziko iri.

Kudzikira kwekutsigirwa kwenhabvu kwakaonekwa svondo radarika apo Dynamos yakasangana neHighlanders mumutambo weligi reCastle Lager Premiership.

Mutambo wezvikwata zviviri uyu  unozivikanwa nevazhinji uchipindwa nevatsigiri vakawanda uye kare vamwe vaitotadza kupinda munhandare nekuzara asi svondo radarika nhandare iyi yainge isina kuzara sezvinotarisirwa.

Mubaiwa anoti nhabvu ibhizimisi asi parizvino harisi kufamba zvakanaka nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvakafanana nekushaikwa kwemari nevatsigiri uye nekuda kwemitambo yeWorld Cup iyo iri kutambirwa kuBrazil parizvino.

“Nhabvu ibhizimisi asi parizvino zvinhu hazvisi kufamba sezvataitarisira.
“Kana zvisingafambe totsvaga zvimwe zviri nani kuti tiite mari, saka isu tave kutsvaga kuti togadzirisa sei dambudziko iri.

“Chandinoona ndechekuti mari yacho hakuna, iri kunetsa kuwana uye World Cup iri kutambwa kuBrazil iyi iri kutikanganisa zvikuru sezvo iri kutitorera vatsigiri vedu vese.

“Asi isu tiri kumhanya-mhanya kuti togadzirisa sei dambudziko iri nekuti nhabvu ibhizimisi ndizvo zvatinouyira kubasa mazuva ese,” akadaro Mubaiwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×