MaYouth Games ave pedyo nekutanga

VACHRISTOPHER Katore
VACHRISTOPHER Katore

GADZIRIRO dzemaNational Youth Games dzava padanho rekupedzisira apo mapurovhinzi mazhinji, kusanganisira Harare, akatosarudza zvikwata zvichanoamirira kuMasvingo uko kuchange kuine makwishu aya.
Vachitaura nezvemakwikwi aya, Education Officer kubazi redzidzo mitambo, tsika nemagariro, VaChristopher Katore, vakati makwikwi aya ari kutanga musi waNyamavhuvhu 16 kusvika 24.

Rwendo rwuno purovhinzi yeHarare inotarisirwa kuhwapura nyanga kubva kuBulawayo iyo yakahwinha mukombe uyu gore rapera.

Gore rino, vakadaro VaKatore, vanoda kuita musangano wemamaneja, varairidzi pamwe nevamwe vatungamiri vemitambo pamusoro pemitemo ichange ichitarisirwa kumakwishu aya.

“Gore rino tinoda kuita zvinhu zvine gwara rakanaka, tichaita musangano nemamaneja, varairidzi pamwe nekomiti yemakwikwi aya apo tichange tichidzidzisana mitemo iri maererano nemitambo iyi,” vakadaro VaKatore.

Vakaenderera mberi vachiti rwendo rwuno havazi kuzoita zinyeke-nyeke neavo vanoda kuita zvekubiridzira nekudaro vose vachabatwa vachiita huwori hwekubiridzira zvakaita semakore avo ekuberekwa vachambomiswa kwenguva kukwikwidza mumakwikwi aya.

“Gore rino hatizi kuita zvekutamba nevachabatwa vachibiridzira makore avo, idambudziko ratange tichirwisana naro kwenguva yakareba uye ndinoti gore rino hakuna izvozvo, mwana ngaatambe paanokodzera kwete kuunza vanhu vabva zera nenyaya yekuda mukombe chete,” vakadaro VaKatore. Zvakadaro, zvikwata zveHarare zvinotarisirwa kupinda mukembi musi waNyamavhuvhu 13 kwakare kuMasvingo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×