Bhuku idzva reChiShona Gore Rechitatu

COLLEGE Press yakatsikisa bhuku idzva reGore reChitatu ChiShona (riri pamufananidzo) rinodzidzisa mwana kuti ave munhu anoziva ChiShona chake.

Bhuku iri rinoenderana zvakanyanya negwaro idzva rekuvandudza dzidzo munyika, reNew Curriculum. Rine zvidzidzo zvinobata mudzidzi wose zvake, kusanganisira wemudhorobha, kumaruwa, kumigodhi nekumapurazi. Zvidzidzo zviri mubhuku rino zvakarongwa zvine unyanzvi uye nemutauro wakareruka kuvadzidzi uchinyatsonzwisisika.

Ventures Gore ReChitatu ChiShona rinodzidzisa manyorero akanaka emavara. Rinopazve vadzidzi mukana wekuratidza kunzwisisa kwavo zvavanenge vadzidza kubudikidza nekuvapa basa rakawanda pamwe nekupindura mibvunzo yenzwisiso.

Bhuku iri rinopa mudzidzi nemurairidzi mukana wedzokororo pakupera kwezvikamu zviviri zvoga-zvoga, izvo zvinoita kuti vadzidzi vatambanudze njere dzavo uye vasakanganwe zvavadzidza. Mienzaniso yebasa muzvidzidzo zvizhinji iri mubhuku iri inobatsira mudzidzi kuti anzwisise chidzidzo pamwe nekuti agone kushandisa bhuku iri ari oga. Mifananidzo yakajeka uye inoyevedza inotsinhira zvidzidzo zviri kudongongodzwa zvinoita kuti vadzidzi vafarire kuverenga.

Bhuku reGore Rechitatu rakanyorwa zvine unyanzvi kubudikidza nemutauro wakapfuma unosanganisira tsumo, madimikira, nyaudzosingwi nefananidzo. Zvirungamutauro izvi zvinoshandiswa zvine utesve munyaya dziri mubhuku dzinosanganisira ngano dzapasichigare, nhetembo, mitambo neuvaranomwe hwechinyakare nehwanhasi.

Nyaya dziri mubhuku dzinoita kuti vadzidzi vayemure nekuchengetedza nhaka yatakapiwa muhupenyu hwedu inosanganisira ivhu, zvicherwa, miti, mvura nemhuka.

Kugarisana zvakanaka nevamwe, kuchengetedza utano, kukwanisa kuzviriritira nekuchengetedza hutano zvose zvinokudzirwawo.

Zvidzido zvose zviri mubhuku iri zvakarongwa nenzira inoita kuti vadzidzi vakwenenzvere nekuvandudza hunyanzvi hwavo pakutaura, kuterera, kuverenga nekunyora. Bhuku rinotsanangura manyorerwo angaitwa rondedzero yenyaya kana tsamba zvakajeka. Iri ibhuku rinobatsira zvose mudzidzi nemudzidzisi mukudzidzisa nekudzidzwa kweChiShona padanho repuraimari.

. Ongororo yebhuku iri yakaitwa naMilanzi Tambudzai Spitwater ari paBudiriro Primary School, kuBudiriro, muHarare.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×