Bhuku idzva remitupo

MUNYORI achiri kusimukira, Struggle Dhlamini, anoti akanyora bhuku idzva riri pamusoro pekwakabva mitupo yakasiyana yemuZimbabwe uye zvainoreva.

Mitupo yeDzimbabwe Volume 1 ibhuku raDhlamini idzva iro rave kutoshandiswa muzvikoro zvepuraimari.

Dhlamini (37) anoti kunze kwebhuku iri, akaburawo zvakare dambarefu riri pamusoro pemitupo iri mubhuku rake idzva iri.

“Bhuku iri ndakarinyora mushure mekunge ndaita tsvakiridzo yemararamiro ari kuita vanhu mazuva ano sezvo vamwe vave kutoredzera kuchiRungu tsika dzedu.

“Dingindira rebhuku pamwe nedambarefu rinonzi ‘Cultural Restoration’ zvichireva kudzoreredzwa kwetsika nemagariro echivanhu,” anodaro.

Anoti mazuva ano vamwe havacharemekedza tsika nemagariro izvo zvave kuona vachiita makunakuna vari hama nehama.

“Vamwe vacho havatozive mitupo yavo, kunyanya vechidiki. Saka vanofanirwa kukura vachiziva kuti vanoera chii.

“Ndakatora makore maviri ndichiita tsvakiridzo maererano nemitupo uye ndaibatsirwa nevadzidzisi vekumayunivhesiti pamwe nemadzimambo muongororo iyi. Kuti ndinyore bhuku iri, ndakakurudzirwa nababa pamwe chete nasekuru vangu, Charles Mungoshi, kubva mukuverengwa kwandaiita mabhuku nezvinyorwa zvavo,” anodaro Dhlamini.

Anoti bhuku rake rave kushandiswa muzvikoro mukudzidzisa vana maringe nemitupo. “Iye zvino bhuku redu rava muzvikoro zvepuraimari uye richapinda muzvikoro zvesekondari nekufamba kwenguva.

“Pari zvino ndiri pakati petsvakiridzo yekunyora bhuku reMitupo yeDzimbahwe Volume 2 nemitauro yakasiyana inosanganisira Ndebele, Tonga, Venda, Nambya neKalanga. Izvi zvakakosha takanangana nekuzadzisa zviri mubumbiro remutemo wenyika zvekuti mitauro yose yemuno inofanirwa kusimudzirwa.”

Dhlamini anotaurawo nezve dambarefu riri pamusoro pemitupo yakasiyana yemuZimbabwe.

“Dambarefu iri nderechipiri rinonzi ‘Chigaba chehuchi’. Rekutanga rinonzi Commander- in-Chief iro randakaimbira mutungamiri wenyika, President Mugabe,” anodaro.

Dambarefu rake rechipiri iri rine nziyo nhanhatu, dzose dziri pamusoro pemitupo.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×