‘Nehoreka’ akabura dambarefu rechipiri

MUIMBI wechidzimai ari kusimukira, Tabeth “Nehoreka” Zinhu (32) anoti akasiya zveZim Dancehall, ave kuridza musambo wembira uye parizvino akatobura dambarefu idzva.

Anoti akasiya musambo weZim Dancehall nekuda kwezvaaisangana nazvo mubasa rake izvo zvinosanganisira kumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana.

“Iri dambarefu nderepiri asi ndakambenge ndambomira kutsikisa nekuti mundima umu makaoma. Paye patinoita malive shows tinochiona nevatsigiri kana kuti varidzi vemabhawa vanenge vatsidza kuti vanotibatsira. Unotozoshamisika wave kunzwa vamwe vachiti vave kuda kudanana nesu saka zvinhu zvinorwadza semadzimai kuti tinge tichiburira,” akadaro.

Anoti ichi ndicho chikonzero chikuru chakaita kuti asiyane nemusambo weZim Dancehall ave kuita zvembira.

Dambarefu rake rekutanga iro akange achizivikanwa nezita rekuti Mashabhela akaribura muna 2002 rine musoro wekuti Topemberera.

Dambarefu rake rechipiri remusambo wembira rinonzi Tateguru.

“Ndakaona kuti ndikaita zvembira zviri nani hazvina miyedzo yakawanda. Ndakatangisa kuona kuti ndine chipo chekuridza mbira uye kuimba nziyo dzechivanhu apo ndaienda kunoimba kumapira. Vanhu vazhinji vakandikurudzira mushure mekuona kugona kwangu,” akadaro.

Dambarefu rake iri rine nziyo shanu dzinoti Mvura Ngainaye, Pindai Mudariro, Zimbabwe naTateguru uye dzokoro yaTateguru inova nhanganyaya yerumbo nekumagumo.

“Muna ‘Pindai Mudariro’ ndaiimba ndichishevedza midzimu yevanhu vemarudzi ese nemitupo yavo kuti vange vachipinda mudariro vachitamba senzira yekumutsa midzimu yemumusha. Muna ‘Zimbabwe’ ndaipembedza nyika yedu kuti inyika yemadzitateguru nekudaro ngaitichengetedze mune zvese zvinotiwira uye upfumi hweZimbabwe hwakadai segoridhe nengoda huchengete vanhu vayo,” akadaro.

Anoti bhizimusi rekuimba riri kudzokera kumashure munyika muno nekuda kwekushaya rutsigiro uye nhau dzepairesi dzevanhu vanoba mabasa evamwe vachitengesa pasina dikita ravo.

“Kana vanhu vakaramba vachisungirwa pairesi ndinoona dambudziko iri richiderera nekuti kana tiri tega isu vaimbi zvinotiremera kuti tigone kuchengetedza basa redu,” akadaro.

Dambarefu rake rechipiri iri ratove pamusika uye rakatsikiswa neveCorner Studio.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×