Bosso tinoirakasha: Dinyero

MURAIRIDZI weHarare City, Masimba Dinyero, anoti chikwata cheHighlanders chaigochera pautsi apo pachakadzinga aiva muraidzi wacho Kelvin Kaindu basa munguva pfupi ichangodarika uye vanoda kuirakasha apo vari kusangana musemi-fainari yemutambo weChibuku Super Cup musi weSvondo kuRufaro Stadium.

Member in Charge, sezita remadunhurirwa raDinyero, anoti akatyamadzwa zvikuru kuona Kaindu achidzingwa basa uyo waakati akanga ari murairidzi aigona basa rake zvainwisa mvura.

Anoti Bosso vanoda kuionesa chitsvuku uye mitambo yemikombe haina basa kuti chikwata chihombe ndechipi kana chidiki sezvo zvese zvinenge zvine mukana wekuuhwina.

“Bosso yakazviruza apo yakadzinga Kaindu basa. Ipapo vakairasa, muchinda uya aiziva basa rake uye akange ari mumwe wevarairidzi vahombe munyika ino.

“Isu manje tinoda kuirovera izvozvo apo tichasangana nayo musi weSvondo mumutambo weChibuku Super Cup.

“Tichitarisa matambiro atakamboita neBosso muligi, tinoziva kuti tinogona kumira-mira tikatoikunda saka morari yedu yakasimuka.

“Chimwe chinhu mitambo yemikombe yakaita seiyi hapana chikwata chinenge chichinzi chidiki sezvo zvinenge zvichida kuhwina, unotoona chikwata chepasi chichikunda chihombe sezvakaita Triangle FC apo yakakunda Dynamos mufainari yeOne Wallet Cup masvondo adarika,” akadaro Dinyero.

Dinyero anoti achipinda mumutambo apo chikwata chake chichange chisina mumwe mutambi wake waanodada naye, James Jamu, uyo akapihwa maYellow Cards maviri mumitambo miviri yadarika saka pamutemo wemutambo uyu haasi kutenderwa kutamba svondo rino.

“Svondo rino tichange tisina James Jamu uyo ari kumiswa kutamba mutambo uyu nekuda kwemaYellow Cards maviri aakapihwa.

“Tine vamwe vatambi vachamutsiva zvake svondo rino asi ndaida chaizvo kuti ave aripo,” akadaro.

Zvakadaro, sachigaro weHighlanders FC, Peter Dube, paakafonerwa neKwayedza akati haana mvumo yekutaura nevatori venhau ndokuudza mutori wenhau uno kuti ataure nachamangwiza weBosso, Dumiso Gumede, kuti agopindure mibvunzo yese.

“Ruregerero handina simba rekupindura mibvunzo yako, taura naVaGumede ndivo vanotaura zvese pamusoro peBosso,” akadaro.

Kwayedza haina kuzokwanisa kutaura naGumede kusvika pakudhindwa kwebepanhau rino sezvo nharembozha yake yakange isingabatike.

Zvakadaro, mumwe mutambo wekutanga wesemi-fainari weChibuku Super Cup uriko svondo rino musi weMugovera uchaona FC Platinum ‘Kugona kunenge kudada’ ichisangana neBlack Rhinos FC ‘Chauya Chipembere’ kunhandare yeRufaro Stadium.

FC Platinum yakakunda CAPS United 1-0 kuti isvike musemi-fainari kozotiwo Black Rhinos yakarakasha Triangle 4-0.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×