Chokwadi chainetsa kudura: Suarez

SHASHA yemutambo wenhabvu, Luis Suarez, anoti zvakamuomera kuti abvume kuti ainge aruma mutambi weItaly, Giorgio Chiellini, kumakwikwi eWorld Cup ayo akaitirwa kuBrazil gore rino.
Mutambi wechikwata cheBarcelona, Suarez (27) anoti zvakamuomera zvakanyanya kuti abvume kuti akaruma Chiellini.

Chizvarwa chekuUruguay, Suarez uyo akatanga kutambira chikwata cheBarcelona mushure mekutengeswa neLiverpool nemari inokwana 75 miriyoni paunzi muna Chikunguru, akambomiswa kupinda mumakwikwi kwemwedzi inokwana mina nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakaona zvakandiomera kuti ndizvigamuchire kuti ndizvo zvandainge ndaita,” akadaro Suarez.

“Ndiri munhu wenyama nokudaro dzimwe nguva zvakangooma kuti tigamuchire chokwadi, ndaisada kuteerera kana kutaura nemunhu upi zvake, ndaisada kuzvitambira.” Suarez akabvuma uye akakumbira ruregerero kuna Chiellini musi wa30 Chikumi – kwapera mazuva matanhatu Uruguay yakunda Italy nechibodzwa 1-0 – apo akaruma Chiellini zvichitevera kudhumana kwavakaita vachimhanyira bhora.

Suarez anoti akatadza kumira zvakanaka apo akadonhera pamusoro paChiellini nechiso chake.

Chiellini akatambira chikumbiro chaSuarez cheruregerero apo akanyora padandemutande paTwitter achiti ainge atomukanganwira nezvechiitiko ichi uye aivimba kuti sangano renhabvu pasi rose reFifa raizorerutsa mutongo uyo rakatemera Suarez.Zvakadaro, Suarez ange achitirena pamwe nekupinda mumakwikwi ehushamwari apo akanwisa mumutambo waive pakati peUruguay neOman uyo vakahwinha 1-0.

Suarez achapinda mumakwikwi eligi reBarcelona apo chikwata ichi chichange chichitatsurana neReal Madrid musi waGumiguru 25. Aya achange ari makwikwi ake ekutanga kupinda zvichitevera kumbomiswa kwaakaitwa mushure mekuruma Chiellini.— BBC Sport News.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×