John Bhasera
SVONDO rapera takakurukura nezvekugadzirira minda, nguva yekudyara uye nemhando dzembeu dziri kuchemerwa pamisika yechibage chinyoro. Takataura nezveNzou iri kutumidzwa zita rekuti Cassa Banana pamisika, Shumba yeKenya yavari kupa zita rekuti Fire Cracker uye nedzimwe mbeu dzeMbizi neTsoko dziri kudiwa zvikuru pamisika yechibage chinyoro.Svondo rino tichabata zvimwe zvakakosha zvatinofanira kuita sevarimi kana tichirima chibage chekugocha muchando. Tichatarisa nyaya yekutaramutsa, chikafu chemuvhu nemafetereza, zvirwere, twumbuyu nesora.
KUDYARA NEKUTARAMUTSA:
Nekuti tinoda kuwana miguri mihombe inoyevedza uye inozvitengesa pamusika, tinokurudzira varimi kuti vataramutse chibage chekugocha sezvizvi: 90cm kubva pane mutsara kuenda pane mumwe (inter-row), uyezve 25-27cm kubva padzinde kusvika pane rimwe (in-row) uye tichiisa mhodzi imwe chete pagomba. Pakupera kwezuva tinoda kubata huwandu hunoita 40 000 kusvika pa45 000 pahekita imwe chete.
Kana modyara, ngwarirai kuti mbeu dzisapfuure hudzamu hwe5cm pakufushira. Ndiko kuti dzimere zvakanaka. Tinokwanisa kudyara nemichina (planters) kana nemawoko tapedza kutara mitsetse netarakita kana nemombe. Mapadza anoshanda zvakare pakudyara. Kana tichishandisa michina zvakakosha kuchuna michina kunyanya hudzamu uye nehuwandu hwembeu. Batai veAgritex kana Seed Co Mudhumeni Mukuru vakubatsirei kuchuna michina yenyu.
MAFETEREZA NECHIKAFU MUVHU:
Chekutanga ngationgororesei ivhu redu rionekwe kuvava kana kutapira kwaro, toisa lime kana zvichikodzera. Kuti chibage chiite zvakanaka, ivhu rinofanira kuva riri papH inobva pa5.2 kusvika pa 5.8, tichishandisa chiyero cheCalcium Chloride Scale. Kana ivhu richivava, rinenge riine acid yakawanda, saka tinokurudzira varimi muise lime mumunda muchiteedzera zvinenge zvabuda muongororo yevhu. Kune mhando mbiri dzelime dzinosanganisira dolomitic uye calcitic. Saka zvakakosha kuongororesa ivhu uzive mhando yelime yekushandisa. Lime tinokwanisa kuiisa nemichina kana kumwaya nemawoko. Kana taisa lime inoda kurimirwa pasi kuti isangane zvakanaka nevhu.
Ngatiisei mafetereza anoenderana nezvabuda muongororo yevhu redu. Kana tichida goho rakanaka, tinofanira kuisa fetereza yakawanda uye ine mwero pahekita. Tinokurudzira varimi muise fetereza yepasi inosvika 400-500kg pahekita yechibage. Isai pasi pembesa pakudyara.
Michina yemaplanter inorerutsa basa nekuti inobva yaisa fetereza pamwe chete nembeu nekufusira kamwe chete. Dzimwe nzira dzekuisa fetereza yepasi dzinosanganisira kushandisa mawoko uye masaga echola. Fetereza yepamusoro yakakosha zvikuru, ndiyo inokudza mazhizha zvakare ndiyo fakitori inogadzirwa miguri. Ngatiisei 400-500kg pahekita papera masvondo mana kana mashanu kubva chibage chamera. Shandisai Ammmonium Nitrate kana kuti Urea sefetereza yepamusoro.
Kune vari kunzvimbo dzine jecha, tinokurudzira kuti muise fetereza yenyu muzvidimbu zviviri, chidimbu chekutanga moisa kwapera mavhiki mana kubva chibage chamera, chimwe chidimbu chozoiswa kwapera mavhiki vaviri kubva pane chekutanga. Izvi tinogona kuzviita zvakare kana tarima mbeu dziya dzemwaka yakareba seShumba neNzou. Fetereza yepamusoro tinoiisa nemichina yemavaicon, mawoko kana masaga aye anonzi machola (saga rakaiswa pombi inoburitsa fetereza).
ZVIRWERE, TUMBUYU NEMASORA:
Ichi chikamu chakakosha pakurima. Kana tikasadzivirira mbesa dzedu kubva kumasora, zvirwere netumbuyu tinokwanisa kurasikirwa nembesa dzese zvekutadza kutokohwa muguri mumwe chaiwo pahekita. Saka murimi ngwarira uye rongeka.Masora anokwikwidzana zvakanyanya nembesa saka tinokurudzira kuti muise mishonga yekupisa masora pakudyara uyewo mbesa dzamera. Minda ngaigare yakachena, isina masora kwemasvondo gumi nemaviri ekutanga kubva patadyara mbesa. Kune mhando mbiri dzemishonga yekusakura masora inoti: iya inoiswa masora nechibage zvisati zvamera neiya inoiswa chibage nemasora zvamera.
Mushonga wekutanga unoiswa patinopedza kudyara unoda kusanganiswa nevhu tichishandisa madiridziro. Yambiro ndeyekuti verengai mainstructions akanyorwa pamishonga yese musati maishandisa ndokuti ishande zvakanaka uye zvisina njodzi. Zvakakosha kupfeka mbatya dzakakodzera kana muchishandisa mishonga uye kudzivirira njodzi kune vanofirita.
Chirwere chemitsara (Maize Streak Virus) ndicho chinonyanyonetsa varimi munguva yechando. Chinoparadzirwa nemhashu, uye chikapinda chinotadzisa murimi kukohwa zvine mutsindo. Tinokurudzira varimi kuti vaise mushonga pambeu vasati vadyara (seed dressing). Munokwanisa kutaura nesu veSeed Co tinokuisirai mushonga uyu kufakitori kwedu. Mishonga inonyanyoshandiswa pakuisa pambeu inosanganisira mushonga weGaucho, weGalmano, weCruizer newePoncho. Zvakakoshawo kuti kana chibage chamera wopinda uchifirita mushonga weRogour.
. Batai Mudhumeni Mukuru panumber idzi munzwe zvizere nezvekurima uye kuwanika kwembeu: 0772 413 184.
MIBVUNZO:
1. Ndeipi mishonga inoshandiswa kuisa pambeu tisati tadyara kudzivirira chirwere cheMaize Streak Virus (MSV)?
2. Zvakakosherei kuongororesa ivhu rako usati wadyara?




