– bumbiro idzva redzidzo – Dzidzo yeInfant School 2

naChiremba
ZVIMWE zvidzidzo zveInfant zvatisina kuzotaura nezvazvo zvinosanganisira izvi:

Physical Education (P.E.)

Ichi chidzidzo cheutano nesimbisa-muviri uye chakanyanya kurerekera kumitambo yemabhora, kumhanya, kutuhwina nekutamba mimhanzi.

Chidzidzo ichi chinovavarira kurodza pfungwa dzevana, kusimbisa miviri yavo uye kushamwaridzana nekubatira pamwe chete.

Mass Displays (M.D.)

Chidzidzo ichi chakanangana nekuumba kana kuti kusika chinhu chitsva kuburikidza nekuteerera mutinhimira munhu achitamba zvinofambirana nemutinhimira uyo anenge achinzwa.

Semuenzaniso, vana vanogona kutamba vachirongana kuvaka mavara M naD kumirira Mass Displays vachitevedzera: du du du chekeche; du du du chekeche yengoma nehosho.

Chidzidzwa ichi chinobatsira vana kuyemura chinhu chakanaka vachishandisa maziso, nzeve dzavo kana zvose.

Kunze kweizvi, vana vanodzidzawo kuteerera vamwe, kushandirapamwe, kutungamira vamwe, kutungamirwa uye kuita moyo murefu.

Nhamba neSayenzi (Mathematics and Science)

Muchidzidzo chenhamba, vana vanodzidza kuenzanisa mukuriro wezvinhu, kuunganidza zvakafanana uye kutsvaga nzambiringa munyemba.

Vanodzidzawo kufunga zvakarongeka, sekuti chinofanirwa kutanga ndechipi uye sei?

Muchidzidzo cheSayinzi, vana vanodzidza nezvechimiro chomuviri wemunhu, nharaunda yavo, mamiriro ekunze, chiedza uye magetsi pamwe chete nezvinhu zvakaita semvura, mhepo, ivhu, zvinokura muvhu uye moto.

Zvemhuri neNhaka (Family and Heritage Studies)

Muchidzidzo ichi vana vanodzidza maererano nezvemhuri, chikadzi kana chirume, tsika nemagariro uye kuzvichengetedza, kuchengeta vamwe nekuchengetedza nharaunda yavo.

Zvekufamba kwemashoko nemichina (Information Communication Technology: I.C.T.)

Kubudikidza nekushandisa zvombo/michina yeI.C.T. mumabasa akasiyana, vana vanodzidza kupenda, kudhirowa, kukara mifananidzo zvakakodzera uye kukwanisa kuronga zvinhu maererano nemukuriro wazvo.

Vanodzidza nekuzivawo michina yeI.C.T., chimiro chayo, mashandire ayo, basa rayo uye machengeterwo ainofanira kuitwa.

Muchikamu chinotevera tichatarisa kuti kuJunior School kunombodzidzwei.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×