Bumbiro idzva redzidzo : Mamiriro edzidzo itsva

naChiremba
URONGWA hutsva hwedzidzo hwakaumbwa seizvi: Dzidzo yemuzvikoro inotangira pazera rendumure (E.C.D. A neE.C.D. B), yoenda kuzera revapwere (giredhi rekutanga nerechipiri), remapunha (giredhi retatu kusvika rechinomwe) kusvika kuvasikana nevakomana vefomu yekutanga kusvika kune yetanhatu.
Danho rekutanga (infant school):
Zera rendumure nevapwere rinotanga pavana vane makore matatu kusvika mana iro rinodaidzwa kuti E.C.D. A. Pamusoro pezera iri pane repiri, zera revana vemakore ari pakati pemashanu kusvika matanhatu rinodaidzwa kuti E.C.D. B.
Kubva ipapo panouya zera retatu regiredhi rekutanga (1) kusvika regiredhi repiri (2). Matanho matatu aya ndiwo anodaidzwa nechirungu kuti “infant school”.
Danho repiri (junior school):
Iri idanho redzidzo rinobata vana vegiredhi retatu kusvika vegiredhi renomwe. Vadzidzi vegiredhi retatu ndivo vari pakati pedanho revapwere neremapunha zvekuti zvidzidzo zvavo zvizhinji musanganiswa wezvinodzidzwa uye madzidziro evapwere nezvinofundwa uye madzidziro emazera emberi.
Pazera regiredhi retatu iri panodzidziswa zvinhu zvitsva zvakati wandei. Vana vazhinji vanowanzotatarika nezvidzwa zvegiredhi iri. Giredhi renomwe ndiro rinokwidibira dzidzo yose yepuraimari uye ndiro rinonyora bvunzo dzekupera kwekosi yemakore mapfumbamwe yedzidzo yepuraimari.
Danho retatu (secondary school):
Matanho edzidzo anobata vana vefomu yekutanga kusvika fomu yetanhatu ndiwo anonzi secondary school. Zvakadaro hazvo vana vanonyora bvunzo mushure mekupedza zvidzidzo zvefomu yechina ndivo vanenge vaita iya inonzi Ordinary Level uye vanonyora bvunzo dzepamusoro apo vanenge vapedza fomu yetanhatu vanenge vadzidza kusvika paAdvanced (A) Level.
Zvikoro zvinodzidzisa vadzidzi vefomu 1 kusvika fomu 4 ndizvo zvinowanzodaidzwa kuti masecondary school uye zvine vadzidzi vefomu 5 nefomu 6 ndizvo zvinowanzodaidzwa kuti high school.
Muchikamu chinotevera tichatarisa zvinodzidzwa muzvikoro padzidzo itsva iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *