BVUNZA GODOBORI: Basa ramusarapavana nderei uye rakakosherei?

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evanhu vatema uye vachipindurwa nenyanzvi.

Mubvunzo

Ndinoda kunzwisisa pamusoro penyaya yamusarapavana. Anoita basa rei uye akakosherei? — Mai S Chihwai, Goromonzi

Mhinduro

Musarapavana munhu, angave murume kana mukadzi, anosarudzwa nevehukama kuti atarire mhuri inenge yasiiwa nemushakabvu.

Kazhinji, pachivanhu, musarapavana uyu anosarudzwa kana kuti kudomwa musi unogovewa nhumbi nemidziyo yemufi.

Pakusarudzwa kwake, anogadzikwa parukukwe kana kuti rupasa apo anopembererwa, achipihwa zvipo zvinosanganisira mari nezvimwe nevana pamwe chete nehama dzemufi.

Pabasa rake, musarapavana anomira semubereki kumhuri inenge yasiiwa.

Muchidimbu, ndiye anobatsira nemazano nezvimwe.

 Kana mhuri iine zvinetswa, anotarisirwa kunge achizvigadzirisa.

Asi mutemo hautenderi kuti musarapavana atorere mhuri yemushakabvu pfuma, midziyo nezvimwe zvavanenge vasiirwa nemubereki kana kuti vabereki.

Hongu, mazuva ano kune vamwe vanamusarapavana vave neundyire zvokuti vanogona kuomesera mhuri zvakadarikidza nenzira dzakasiyana-siyana asi maitiro akadai haana kunaka uye anenge asingatarisirwi.

Zvinokwanisika kuti musarapavana asandurwe, pagoiswa mumwe kana zvaonekwa uye paine umboo hwokuti ari kumbunyikidza zvakanyanya mhuri yakasiiwa nemushakabvu.   

Ndinovimba Mai S Muzavazi nevamwe mabatsirika zvakanyanya nemhinduro iyi.

Kune zvavanoda kunzwisisa, nyorerai kuna Bvunza Godobori panhamba dzeWhatsApp dzinoti +263 0774 132 838.

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *