Telecel yakapa vatori venhau $25 000

telecelKAMBANI yeTelecel Zimbabwe yakatsigira vatori venhau kuburikidza nekupa $25 000 kusangano rinovamiririra, reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), yekusimudzira kufambiswa kwemashoko neruzivo rwechizvino-zvino pakuita basa ravo.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza wekambani iyi, Mai Angeline Vere, vakati vane shungu dzekusimudzira basa revatori venhau.

“Ukama hwatinahwo nevatori venhau ndehwebhandi nebhurugwa nekuti tinoda kuti nyika ive nekufambiswa kwemashoko kwakanaka kunova kunounza budiriro. Tinoda kuti tinge tichidzidza kubva kune dzimwe nyika dzakabudirira,” vakadaro.

Vanoti mari iyi ichabatsira mukudzidziswa kwevatori venhau vemapoka akasiyana maringe nenyaya dzeruzivo rwechizvino-zvino pakufambisa mashoko.

“Kudzidziswa kwevatori venhau uku kuchange kuchiitwa munguva pfupi inotevera mumatunhu akaita seMashonaland West, Masvingo, Bulawayo neMidlands. Gore rapera taive nechirongwa cherudzi urwu chinova chakaitirwa muHarare, Manicaland neMashonaland East,” vakadaro.

Zvakadaro, munyori mukuru kusangano reZUJ, Foster Dongozi, akatenda rubatsiro urwu achiti rwuchabatsira zvikuru mukusimudzira vatori venhau.

“Nekuda kwekuoma kweupfumi hwenyika, takaona vatori venhau vakawanda vachirasikirwa nemabasa asi kuburikidza neruzivo rutsva urwu vanowanawo mikana yekunyora nhau dzavo pamasai-sai vachiwana kurarama.

“Zvakakosha kuti nyika inge ichifambirana nenguva kuburikidza neruzivo urwu,” akadaro.

Zvakadai, vamwe vatori venhau vaive pamusangano uyu vakati vane chishuwo chekuti mari iyi inge ichishandiswa nemazvo mukusimudzira mabasa avo.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×