Cadetship: Mari ndipo pasina

HURUMENDE iri kusangana nematambudziko ekusafamba zvakanaka kwechirongwa chekubatsira vadzidzi vanoshaya vari kumakoreji nemayunivhesiti, cheCadetship, nekuda kwezvimhingamupinyi munyaya dzeupfumi izvo zvakatarisana nenyika.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera mudare reNational Assembly nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weKuwadzana East mudare iri, VaNelson Chamisa. VaChamisa vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukubatsira vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya, zvikuru avo vanenge vabudirira muzvidzidzo zvavo kuzvikoro zviri kumaruwa.

Vakati nguva yadarika Hurumende yaibatsira vadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti uye ivo mumwe wevakabatsirika pasi pechirongwa ichi.

“Pane dambudziko munyika muno rekuti vadzidzi vekuzvikoro zviri kumaruwa vari kushaya rutsigiro rwekuti vaite zvidzidzo zvepamusoro kumayunivhesiti pamwe nekumakoreji. Chii chiri kuitwa neHurumende kubatsira vadzidzi vanenge vabudirira muzvidzidzo zvavo ava vanobva kumhuri dzinoshaya?” vakadaro VaChamisa. Dr Gandawa vakati kana naivowo vakabatsirika pasi pechirongwa cheCadetship ichi pavaidzidza asi pari zvino zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka nekuda kwemamiriro eupfumi munyika.

“Sebazi, tine hurombo hwekuti pari zvino hatikwanise kunge tichidaro nekuda kwezvimhingamipinyi zvatiri kusangana nazvo, kunyanya zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvatakatemerwa, zviri kuita kuti titadze kuunganidza mari yekuti tinge tichipa zvikwereti kuvadzidzi,” vakadaro.

Cde Gandawa vakati kune vamwe vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya avo vari kubatsirwa muzvidzidzo zvavo zvekuyunivhesiti pasi pechirongwa chePresidential Scholarship Scheme.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×