DETEMBA TINZWE: Ngwarira

naGrace Jon
Zvamunondiona kuonda kudai
Vanotaura vanoti ndave nayo
Saka iwe ngwarira nekuti haiputirwe

Ndakatanga nekurutsa
Ndichiita kunge ndicharutsa moyo
Kurwara rwara akava magariro
Ndakabva ndaziva kuti zvashata
Kuchipatara kwakava kwekutambira
Nekuti ndakaudzwa kuti ndinayo

Ndakazvigamuchira kuti ndinayo
Asi yakanga yabva kupiko
Zvakanga zvaitika Seiko?

Ndini uya uya aiizviti handinzwe
Ana ngana nevana nhingi
Ndichiita mukumbazvose
Nengoda mari, mari muenzi inopera
Zvino ndave mugango rangu ndega
Vaye vaimbondida vave kutambira kure
Nekuti kuonda kwangu kwave kusemesa

Chiteerera uteerere zvakadzama
Vimbika kune wako wawakasarudza muwanano
Tambai makazvidzivirira
Tambira kure kana uchida zvechikoro
Nekuti kana wanzi unayo ndeye upenyu hwese
Ndokusaka ndati ngwarira shuramatongo

Grace Jon ari kuita Upper 6 paKotwa High School, kuMudzi.
Murairidzi ndiMuzvare Mudhombo.

MAONERO:
Iyi inhetembo yekuyambira pamwe chete nekudemba kana kukungura, sezviri kuburitswa pachena nemusoro wayo unoti, “ngwarira.” Asi yambiro yako kuti inyatsosimba, tizivise kuti vari kuti wave nayo ndivana ani. Unogona kunzi nevanhu vasiri vekuchipatara, “wave nayo,” asi iwe usina.

Zvisinei, wazogadzirisa dambudziko iri mundima yechipiri pawataura kuti wakanga wave kutambira kuchipatara, kunova kwawakazoudzwa kuti unayo. Asi une chinhu chawagona munhetembo yako. Wataura nezveshuramatongo, asi usina kana kumbotaura zita rechirwere ichi kusvika mumutsara wekupedzisira. Ichi chinhu chinoita kuti vaverengi vatsvage kuti zvauri kutaura iwe sanyanduri, nezvavari kufunga zvimwe chete here?

Uri kungoti, “ndinayo” iyo iyi? Nhumbu here? Korera here? Tinozonzwa kuti uri kurevei paunoti, “ndichiita mukumba zvose.”

Wagona kutsanangura kurwara kwako nenzira inotyisa. Ndafarira kusarudza kwako mashoko anonyatsoti dyo, sepawati, “Ndichiita kunge ndicharutsa mwoyo.” Izvi zvinobva zvanyatsoratidza kudzika nekurwadza kwemarutsiro aiita mutauri wenhetembo iyi.

Pamwe pawagona ndepekuti, mushure mekunge wataura kuti uri kurwara kana kuti wakaudzwa kuti unayo, hauna kusiya muverengi achishaya kuti zvakambofamba sei. Watiudza kuti mabasa ako ndiwo akakonzera, uye wazviita nenzira inoita kuti muverengi abatsirike nekuziva kuti chii chakaitika pawati:

“Ndakazvigamuchira kuti ndinayo
Asi yakanga yabva kupiko
Zvakanga zvaitika seiko?”

Ndanga ndichifunga kuti pawati, “Ndave mugango rangu ndega” uchatiratidza kuti gango racho riri kukukanga chirudzii. Zvino wabva wangotisiya ipapo ukamhanya kunotaura zvekusemwa kwawave kuitwa nevaye vaimbokuda.

Izvozvi zvinoita kuti zviite sekuti uchiri kuda kuenderera mberi nekudiwa nevanhu vakakupa chirwere ichi.

Nhetembo yako yakanganiswa nekuti hauna kushandisa zvimiso. Uye une dzimwe nzvimbo dzawanga uchinyora sekuti uri kuparidza. Wanga wasiya mutauro wenhetembo wakapfuma. Izvi wanyanya kuzviita mundima yekupedzisira. Asi pasina izvozvo, ramba uchinyora, chipo unacho.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×