Capital Foods: Nyanzvi pachikafu chezvipfuyo

KAMBANI ine mukurumbira mukugadzira kudya kwezvipfuyo, yeCapital Foods, iyo iri kuMsasa, muHarare, ndiyo yaita yekutanga kana kuti nhangaruvanze kugadzira kudya kweshiri dzezvihuta muZimbabwe.

VaOwen Nyoni, avo vanova mukuru anoona nezvekutengeserana kukambani iyi, vanoti vakaparura chirongwa chekutengesa kudya kwezvihuta nemusi wa30 Ndira muguta reHarare.

“Mushure mekutaura nevarimi vachichema-chema nekuda kwekushaikwa kwekudya kwezvihuta, takazogadzira kudya uko kwapararira nenyika yose muzvitoro zvinotengesa zvigadzirwa zvedu,” vanodaro VaNyoni.

“Zvakaitika ndezvekuti varimi vaichengeta huku dzechivanhu vakabva vapinda mukupfuya zvihuta.

‘‘Takagadzira kudya kwezvihuta uku tikaendesa kuti kunoongororwa nanamazvikokota kubazi rezvekurima avo vakagutsikana nako ndokutipa mvumo yekuti tigadzire.

“Regai nditi kudya kwezvihuta kwavako, varimi ngavachirega kutambudzika. Tine chikafu chezvihuta chinonzi Quail Starter Meal chinova chekutangisa, koita chekukandirisa cheQuail Breeder kana kuti Layer Mash kozoita chinonzi Quail Finisher Meal,” vanodaro.

Vanoti Quail Starter Meal inopihwa zvihuta zvose, sheshe nemajongwe, kubva dzichiri nhiyo.

Quail Breeder kana kuti Layer Mash inopihwa zvihuta zvisheshe zvinokandira mazai kozotiwo Quail Finisher Meal ichipihwa zvenyama chete.

“Kudya uku kunowanikwa kune mamwe mapazi edu anosanganisira kuRuwa, kuGoromonzi, Southerton, kuBorrowdale, kwaBhora, kuNgezi, Chegutu, kuBulawayo nekuGweru uko tine vatinodyidzana navo munyika yose vanokutengesa,” vanodaro VaNyoni.

VeCapital Foods vanoshandawo nemapoka akasiyana anodyidzana nevarimi, kusanganisira vebazi rinoona nezvekurwiswa kwezvirwere zvezvipfuyo, veDepartment of Veterinary Services.

“Tinoshanda nemasangano ose anomirira varimi vanopfuya zvihuta apo tinoda kuti tibatsirane nevarimi vazive kunowanikwa kudya kwezvihuta. Kudya uku kunowanikwa mumasaga anobvira pa5 kgs, 10 kgs, 25 kgs ne50 kgs ayo ane mazita awo, chidhindo nezuva rakagadzirwa kudya uku pamwe nenguva yakunotarisirwa kunge kuchishandiswa inova mwedzi mitanhatu chete,” vanodaro.

Varimi vanoyambirwa kuti vasasanganise kudya uku nechikafu chezvimwe zvipfuyo izvo zvinokwanisa kukanganisa utano hweshiri uyewo mekudyirwa nekunwira mvura munofanirwa kugara makachena.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *