Ndakambofa kwemaminitsi mashoma

NDAKAMBOFA kwemaminitsi mashoma. Pandakafa, ndine chinhu chandakadzidza. Chinofa inyama, asi mweya haufe. Kana wafa, mweya unoramba uri mupenyu, uchiona zvinhu nyangwe usina maziso, uchinzwa vanhu nyangwe usina nzeve.

Mweya chishamiso. Pandakafa ipapo, ndakanzwisisa kuti sei Bhaibheri richiti Mwari mweya. Kana Mwari vari mweya, kunzwisisa nekuziva nekuona nekugona kwavo hakuna chikero kana chikoro chingakuyere kana kukunzwisisa.

Mweya kana wabva mumuviri, unonzwa kusununguka kunoshamisa zvekuti ini ndakatozoona kuti hupenyu hwekurarama uri mweya ndihwo chaihwo.

Nyama dzedu dzemiviri dzinorema nekurwadza. Dzinorwara, dzinoruta nekutambudzikira zvinhu zvinofa nekupfuura. Pandakafa, ndakadzidza kuti mweya wakareruka uye unofara. Ndakadzidza kuti kana mweya waparadzana nenyama, ndipo chaipo panotangira hupenyu, kwete kuti hupenyu huri munyama yedu yatinoisa make-up, weave, tichizora mafuta nekupfekedza hembe.

Hupenyu hwatinofanira kushingirira kushongedza hupenyu hwemweya, asi handizive kuti hungashongedzwe sei nekuti mweya kana wabva mumuviri wenyama ndipo paunonzwa kusununguka.

Pandakafa, nyama yangu yakasara pasi yakaita kunge makanda ebhanana. Muviri wangu wakanga wangove chisaga chakapera shuga kana hupfu chisisina basa. Nyangwe vanhu vandakanga ndichiona vakandiunganira vachiedza kundizunguza kuti ndimuke ndakavanzwira tsitsi nekuti ini mweya wangu wakanga uchifara nerusununguko rwandakanga ndave narwo rwekubva mumuviri wenyama.

Kufa kwandakaita kwekanguva kadiki kwakandiita kuti ndione zvinhu zvinodiwa naJesu kuti tione. Jesu anoti chakaberekwa nenyama inyama, asi chakaberekwa nemweya mweya. Kureva kuti zvenyama nezvemweya zvinhu zvakatosiyana. Paul anoti nyama inorwa nemweya.

Ini pandakafa ndakaona kuti nyama inoda kuti mweya ugare mumuviri kuti muviri urambe uri mupenyu uchiita zvinodiwa nenyama, kwete nemweya. Nyama inoda kushandisa mweya kuti iwane zvainoda – kudya, kunwa, kunakidzwa, kufara, kuzvikudza nezvimwe zvakadaro.

Pandakafa, ndakaona kuti muviri wangu ndiwo wakanga uchichema nekurasikirwa, asiwo ndakadzidza kuti munhu haasi wemuviri, asi munhu ndewemweya nekuti kana nyama yafa, mweya haufe. Kana munhu afa mweya unoramba uchiziva asi kuziva kwawo kunenge kwave kumberi kudarika kuziva kunoita munhu wenyama.

Pandakafa, ndakaona kuti zvinozivikanwa nemweya zvinoshamisa kudarika zvatinofunga. Mweya wangu wakatanga kufamba nenzira yausina kumbobvira wafamba, asi nzira iyoyo yakanga isiri nzira yandinoziva kana yandisingazive.

Mweya wakatanga kuenda kwawakanga uchifanirwa kuenda. Ikoko ndakaziva kuti ndiko kuye kwatinonzwa vanoimba vachiti, “Nzira imbiri dzinondidana . . ” Ini ndakatanga kufamba rwendo rwekuenda kunosangana nemusiki wangu zvekuti ndakatoshamisika nevakanga vakaunganira mutumbi wangu pasi vakanga vachiedza kuutaudza. Ndaida kutovaudza kuti siyanai nemutumbi uyo nekuti hausisina basa kana usisina mweya.

Ndichienda kunosangana nemusiki, handina kuona kwandakanga ndichienda. Asi ndakazongoerekana ndave kudaira vanhu vaye vandakanga ndichiona vakaunganira mutumbi wangu ini pandakanga ndiri mweya.

Ndakanzwa ndave kusvinura ndadzokera zvakare munyama yangu.

Kurerukirwa nekufara kwese kwandakanga ndanzwa pandakanga ndafa kwakabva kwapera. Ndakamuka ndikagara.

Ndakanga ndisingade zvekutaura nekuti ndakanga ndichirwadziwa nekudzoka kwandakaita. Asiwo panguva imwe chete, zvakandibatsira kuti ndizvibvunze kuti ndakanga ndagadzirira here kuzonosangana nemusiki wangu dai ndisina kuzodzoka.

Saka ndinotenda nekudzoka, nekuti wakave mukana wekuti ndikumbire mwoyo mutsva unoda Mwari kuitira kuti kana ndazofa kechipiri, ndiende ndichifara kuhupenyu husingaperi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *