MURIMI wekuGoromonzi, kuMashonaland East, ari kusimudzira mabasa ekuchengeta shiri dzezvihuta kuburikidza nekuwanisa vamwe varimi michina inochechenyerwa mazai, yemaincubators.
VaAltorn Gwese (35), avo vanopfuyawo zvihuta, huku dzechivanhu nedzenyama kuPospect kuWaterfalls, muHarare pamwe chete nekupurazi ravo riri kuGoromonzi, vanoti vanogadzira zvose zvine chekuita nekupfuya zvihuta, huku, tsuro nezvimwewo zvipfuyo.
“Dzimwe nguva kutsvaga basa kupedza nguva, ini ndakatosiya basa ndichizoita zvezvihuta. Ndinogadzira maincubators akasiyana pahukuru, matireyi ekuisa mukati mawo tinogadzirawo ayo anopinda mazai akasiyana zvichienda nehukuru hwavo,” vanodaro VaGwese.
“Kunze kwekugadzira michina iyi, ndine angu mandinoisa mazai ehuku dzangu neezvihuta ochechenywa uyewo vamwe varimi vasina michina iyi vanounza mazai avo ochechenywa vozotora nhiyo kana kuti many’ana avo.” Vanoti mazai haafanire kupedza mazuva manomwe asati aiswa mumichina yekuchechenyesa iyi sezvo mamwe anozotadza kuburitsa nhiyo zvakanaka.
VaGwese vanotiwo vanogadzirazve mazumbu kana kuti zvikwere zvezvihuta. “Tava kugadzira zvose zvinodiwa pakupfuya zvihuta,” vanodaro.
Vanoti kune vasina magetsi kudzimba dzavo kana kumapurazi kwavanoshandira, vave kugadzira maincubators anoshandisa simba remoto unobva muzuva.
Kunze kazvo, VaGwese vanogadzirawo michina yekuwundura zvihuta pamwe nehuku.
Murimi uyu anoita basa iri pasi pekambani yake inonzi Pre Range International (Pvt) Limited.
VaGwese vanowanikwa panhamba 876 mumugwagwa waHarare kuProspect uye nhamba dzavo dzenhare dzinoti 0775 032 538 kana 0739 000 680..




