‘Caps Utd inomakwa nani?’

Abel Ndooka —
SHASHA yakambonetsa ichitambira nhabvu kuCAPS UNITED nemaWarriors – Alois Bunjira – anoti Kepekepe yakasimba zvikuru mwaka uno zvekuti inogona kuhwina mikombe mikuru inoti CAF Champions League nePremier Soccer League.

CAPS UNITED, svondo rino yakatarisana nekutamba neTP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo mumutambo weCAF Champions wekurwira kupinda mumagroup stages nemusi weSvondo kuNational Sports Stadium.

Zola kana kuti Gazza, semazita emadunhurirwa aBunjira, anoti chikwata chaLloyd Chitembwe hapana chichachitadzisa kuenderera mberi asi hunge chikatamba sezvachakaita kuLumbumbashi, kuDRC.

Svondo radarika, CAPS UNITED yakaita mangange 1-1 neTP Mazembe zvichireva kuti ikakunda chikwata ichi svondo rino kana kuti mutambo uyu wopera uri mangange 0-0 inobva yafambira mberi. Kana ikabudirira, mutambo unotevera uchaona chikwata ichi chichipihwa mazakwatira emari inosvika $550 000 neCAF.

“CAPS UNITED yakaruka simbi yechikwata gore rino zvekuti ikaramba yakabatana mwaka uno inogona kukumba mikombe yese uye mumakore matatu anotevera ndiyo inogona kuramba ichingohwina ligi chete muno,” anodaro Bunjira.

Zola anoti Kepekepe inofanirwa kurwa semvumba kuti ifambire mberi muChampions League sezvo kubudirira kwayo kwakanakira nhabvu yese yemuZimbabwe.

Anoti pane mukana zvakare wekuti vatambi veCAPS UNITED vanogona kutengwa nezvikwata zvekunze uye vakotsveri votsigira mutambo uyu muno.

“TP mazembe yaimbove shasha yemutambo weChampions League saka CAPS kuita mangange nayo pamusha payo kunorakidza kuti yakatosimba zvikuru uye inogona kumisidzana nedzaimbove shasha.

“Zvave kutoda kuti isunge dzisimbe svondo rino, ifambire mberi mumutambo uyu nekuti izvi zvakakoshera Kepekepe nenhabvu yese yemuno,” anodaro.

Zvakadai, Bunjira anoti Ngezi Platinum Stars – iyo iri kusangana neRecreativo do Libolo yekuAngola musi weMugovera mumutambo weCAF Confederations Cup – inofanirwa kurwawo semvumba kana ichida kufambira mberi zvichitevera kukundwa kwayakaitwa 2-1 kuAngola.

Anoti chikwata chaTonderai Ndiraya ichi chinotofanirwa kunwisa kakawanda asi chisanwiswewo.

“Mutambo weNgezi wakasiyana neCAPS nekuti yakakundwa kuAngola, saka svondo rino inofanirwa kutonwisa zvakasimba kuti ifambire mberi mumutambo wayo.

“Asi ndichitarisa hangu zvikwata zviviri izvi zvese zvine mukana wekunyora nhoroondo munhabvu yemuno nekufambira mberi kuenda kumagroup-stages emitambo yazvo,” anodaro Bunjira.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×