GAVI yakapa Zim mota 12

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE yakapihwa rubatsiro rwemotokari 12 nesangano reGlobal Alliance for Vaccines and Immunisations (GAVI) idzo dzichabatsira muchirongwa chekubaisa madzimai akazvitakura nevana majekiseni ekudzivirira zvirwere kumatunhu oseenyika.

Vachitaura pakutambidzwa kwemotokari idzi kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals svondo rapera, VaSydney Makarawo, avo vanove Principal Director of Curative Services kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanotenda nerubatsiro urwu.

“Kusvika pari zvino, GAVI yatsigira Zimbabwe nemari inoita US$87,6 miriyoni iyo yaiuya nenzira dzakaita semishonga yemajekiseni ekudzivirira zvirwere uye ichiuya uri musvo wemari. Motokari dzatiri kutambira nhasi uno kuburikidza nesangano reUnicef dziri dzenhando yema5x5 door Land Cruiser dzichabatsira varapi apo vanofamba vachiita ongororo dzezvirwere nezvimwe zvirongwa zveutano uye dzinokosha US$315 000,” vanodaro.

Anoone nezvekuburitswa kwemashoko kuUnicef, VaVictor Chinyama, vanoti motokari idzi dzichabatsira kuti madzimai akazvitakura nevana vakwanise kubaiwa majekiseni zvinova zvichafambisawo chirongwa cheExpanded Programme on Immunisation munyika yose.

“Ongororo yakaitwa yeMultiple Indicator Cluster Survey (MICS 2014), inoratidza kuti chikamu che69,2% chevana vari muZimbabwe vakabaiswa majekiseni anodzivirira zvirwere zvakakwana. Zimbabwe ine chikamu che92% chedziviriro yechirwere chegwirikwiti ne94% pakudzivirira chirwere cheRotavirus.

“Kubvira muna 2005, munyika muno hamuna kumbonyuka chirwere chemhetamakumbo,” vanodaro.

Vanoti mumakore gumi adarika, Zimbabwe yaunza mimwe mishonga mitsva inobatsira mukudzivirirwa kwezvirwere sePneumoccocal Conjugate Vaccine, Rotavirus neHuman – Papilloma Virus Vaccine.

Kunze kwemotokari idzi, GAVI yakapawo mishonga nemidziyo yekushandisa muzvipatara inokosha mari inodarika US$1 miriyoni iyo ichagoverwa kumatunhu ose enyika.

Kubvira muna 2002, GAVI yakabatana neHurumende mukuchengetedza raramo yevana nekuona kuti nyika ino ine vanhu vane utano.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×