Ndakapotsa ndafa: Mkwesha

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu ichitambira zvikwata zvinoti Dynamos FC pamwe neCAPS United, Freddy Mkwesha, akabuda muchipatara umo maakagara kwemasvondo matanhatu achirwara nechirwere cheshuga.

Kwayedza svondo radarika yakashanyira Mkwesha kuHighfields muHarare uko kwaaitandara kumba kwemunin’ina wake apo paakazivisa bepanhau rino kuti akapotsa asiya nyemba nekuda kwechirwere ichi.

“Ndakanga ndafa wena. Ndakagara masvondo matanhatu muchipatara uye Mwari vachiri kundida munyika ino,” akadaro Mkwesha.

Zvakadaro, Mkwesha akatenda zvikuru nhengo dzebhodhi reDynamos FC dzakaita saKenny Mubaiwa, Benard Mariot naGeorge Shaya avo vaimutsigira panguva yaairwara iyi.

“Ndinotenda zvikuru hama dzangu dzakaita saKenny Mubaiwa, Bernard Mariot pamwe naGeorge Shaya nevamwe avo vaiuya kuzondiona muchipatara.

“Rudo rwavakandirakidza rukuru uye ndosaka ndichiri pano panyika,” akadaro Mkwesha.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×