‘Unoda kuponda mwana wako iwe’

Garnet Zvimba
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake anoda kuuraya mwana wavo kuitira kuti asabvise mari yemendenenzi.

Daires Mapanda akaudza mutongi weHarare Civil Court, Trevor Nyatsanza, kuti Reason Chiwanga anogara achimutyisidzira kuti anoda kuuraya mwana mushure mekunge amumhan’arira nenyaya yemendenenzi.

“Changamire, chichemo changu ndechekuti murume uyu andipe mari yemendenenzi. Kubvira mwana achizvarwa kusvika pari zvino hapana kana chaanoita pamwana wake. Zvose ndini ndinoita kubvira kumari yechikoro kusvika kuzvipfeko, inongova nhamo yangu ndoga.

“Ndinotova nemameseji mufoni mangu ayo anonditumira achindityisidzira kuti anoda kuuraya mwana nemhaka yekuti ndakamhan’ara mendenenzi. Ura huri kugara huri mumawoko kuti mwana angangopfuudzwa nemhondi iyi. Zvabva zvanyanya kuoma zvakadini zvasvika pakumupa kuda kudya nemazai ake chaiwo?” akadaro Mapanda.

Chiwanga akaramba kuti anoda kuuraya mwana wake ndokuti:

“Kusabhadhara mari kungoti zvakandiomera. Nyaya yekuti ndoda kuuraya mwana yaanotaura handizvizivi, anongorotomoka ndotoshaya kuti anozviwanepi.”

Mutongi Nyatsanza akati Chiwanga abvise $90 pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×