‘Mari ndinopihwa ndaita ganyavhu’

Garnet Zvimba VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aimbove murume wake haadi kuchengeta mwana wake uye nguva zhinji anozomupa mari kana atoita zvezvimbokoma.

‘Kana uchifunga zvezvikomba, hande unozvionera’

MUKADZI wekuti anogarozvamburwa pamwe nekutukirirwa nemurume wake akapotera kudare. Kudzai Mirosi akamhan’arira Kelvin Mirosi kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro achiti anzwa nekuzvamburwa pamwe nekutukirirwa.

IMBWA HAIHUKURE SADZA: Mwari misai nyika ndiburuke

KANA mukuwasha odanana namai vemukadzi zvekusvika pakuita vana, kuda bonde kwacho ratove dhimoni. Atezvara voti, “babamunini” kumukuwasha? Ko vana vamunozvara voti chii kuna ambuya vavo vanovezve amai vavo?

Generator: Varume vaviri vonetsana

MURUME wekuti akashandiswa mahara kugadzira generator rakange rafa nemumwewo murume akazokwidza nyaya iyi kumatare achida mari yake.

Kudzivirira tsaona nemota iri kubva kwauri kuenda

Ernest Muchena TSAONA nemotokari iri kubva kwauri kuenda itsaona huru kwazvo. Kazhinji panofiwa, midziyo yemotokari inoparara uye vamwe vanokuvara zvakaipisisa.Tinofanirwa kugara takagadzirira kudzivirira tsaona iyoyi.

‘ndine vana 2 nemukuwasha’ -‘Imi Matemai hapana wenyu apa’ -‘Ndichiri mudiki ndinoda varume’

Kingstone Mapupu “VAMWE vana vangu ndakavaita nemukuwasha!” Mashoko aya anoramba kugamuchirika sezvo patsika dzechivanhu mukuwasha naambuya vari vanhu vanofanirwa kunge vachinyarana uye kuti vasingafarise zvekusvika pakugara semurume nemudzimai. Asi kumumwe…

AFCON: NdezveAlgeria

Abel Ndooka ACHANGE ari makuwerere kubvira svondo rino musi weMugovera apo pachatanga mitambo yeOrange African Cup of Nations iyo ichange ichitambirwa kuEquatorial Guinea. Gore rino mitambo iyi ichange ichitambirwa kunhandare dzinoti…

‘Kupfuya mombe ibhizimisi chairo’

Kingstone Mapupu VARIMI vakakurudzirwa kuti vakoshese basa rekupfuya mombe semamwe mabhindauko ose ekurima nedonzvo rekusimudzira huwandu hwemombe munyika. Kurudziro iyi yakaitwa naexecutive director wesangano reZimbabwe Farmers Union VaPaul Zakariya avo vakati

Mwana akafumoonekwa ‘akadyiwa’ nemasvosve -‘Aya mabasa evaroyi’

Nyasha Mutena VAGARI vemumusha weHighfield, muHarare vakasara vaoma mate mukanwa zvichitevera rufu rwemwana ane makore manonwe ekuberekwa uyo anonzi akangofuma akafa, akamomoterwa nemasvosve kumeso kwose. Rufu rwaTakunda Marume, uyo ange onotanga…

Arsenal yokweretesa mutambi zvemwaka uno

MUTAMBI weArsenal Yaya Sanogo akatengeswa kuCrystal Palace nechikwereti kusvika mwaka uno wenhabvu wapera.

×