Mwana ndinomuda, asi mukadzi kwete!
KWAMURI tete Kutanga ndinokusimbisai Tete Chipangamazano. Ndiri murume ane makore 30, ndainge ndakaroora uye ndine mwana mukomana mumwe chete. Dambudziko rakazouya ndere mudzimai wangu. Takarambana mwedzi mishoma yapfuura mushure mekunge…
Makwikwi etsiva orongwa
Abel Ndooka VATAMBI vetsiva vari kusimukira vachawaniswa mukana wekurwira zvidanho zvepamusoro mumutambo weChampions in Making Challenge uyo uri kurongwa nesangano reDeltaforce Boxing Academy. Mutambo uyu uchaitwa muna Kurume uye uchaona vatambi…
Zim Cricket yoita gadziriro
Abel Ndooka CHIKWATA cheZimbabwe Cricket chiri mukembi umo chiri kugadzirira kuenda kumutambo weInternational Cricket Council World Cup uyo uchatambirwa kuAustralia neNew Zealand muguva pfupi iri kutevera. Mutambo uyu unotarisirwa kutanga musi…
Chikoro: ‘Gore rino zviri nani’
Muchaneta Chimuka RAKANGE riri besanwa kuzviteshi zvakasiyana zvemabhazi nemusi weMuvhuro muguta reHarare zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro svondo rino apo vana vanodzidza kumabhodhingi nevamwe vakange vave kudzokera kuzvikoro zvavo. Vabereki vakataurwa navo neKwayedza…
Shoko rekurwa kwemadzimai maviri rinonosvitswa kuchechi
Ticha Tichaziva (37-2014) CHITSAUKO 27 (Ongororo: Enderero mberi) Kubidiritsana kwaiita mai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza vakagumbatirana pasi zvinotsanangurwa zvichinzi “gumi rakadya vaviri” (102). Amai vaTichaona vachitaurira mai vaYeukai zvainge zvaitika kuti…
‘Dzidzo ngaifambirane nezvinangwa zveZim’
Daphne Machiri MARI inopihwa kuhomwe yeZimbabwe Manpower Development Fund (Zimdef) inofanirwa kuenderana nebudiriro yemakoreji nemayunivhesiti izvo zvinozoita kuti vana vanobva muzvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi vange vaine ruzivo rwunobatsira budiriro yeZimbabwe. Mashoko…
Chembere yakabviswa mazino neharahwa
Sandy Musungata MUSHARUKWA wekuenda kudare reHarare Civil Court achida kuti rimise kubhadhara kwaaiita mari yemendenenzi akabva kudare uku achipembera zvichitevera kutambirwa kwakaitwa chikumbiro chake. Josiah Chisakarire akazvuvira mudzimai wake Florence Chisakare…
Pablo oronga shoo
Abel Ndooka PUROMOTA wemimhanzi Blessing ‘Pablo’ Chimwaza, wePabloz Promotions anoti ari kuronga shoo yekubatanidza vaimbi vemisambo yakasiyana, zvikuru veZim-dancehall, nedonzvo rekuvarukudzira kuti vasiyane nemhirizhonga pamwe nekutora zvinodhaka. Shoo iyi, sekutaura
Varimi vatsva vefodya vowanda
Kingstone Mapupu VARIMI vatsva vanosvika 16 400 vakanyoresa kurima fodya mwaka uno wa2014/15 zvinorakidza kuti vakawanda vave kufarira kurima fodya kudarika zvimwe zvirimwa. Chamangwiza wesangano reTobacco Industry and Marketing Board…
Chiramu ngachive nemwero!
NYAYA dzokubatwa kwevanasikana navakomana chibharo dzawanda. Sokuzvitaura kwatakamboita, vazhinji vanobhinywa nevanhu vokuziva, voukama. Vamwe vasikana vanopedzisira vabatwa chibharo nanababamukuru — varume vamadzikoma kana kuti vamadzitete — vachinyeberwa








