‘Mukadzi wangu ane pamuviri’
Tatenda Moyo SAMUSHA vekuda kuti mari yemendenenzi yavari kubhadhara ideredzwe vachiti vanoda kutenga gadziriro yemwana mucheche sezvo mukadzi wavo wechipiri aine pamuviri vakabva kudare vakagumbuka zvichitevera
Ebola: Vana 3 700 vava nherera
SANGANO reUnited Nations Children’s Fund (Unicef) rinoti vana vanodarika 3 700 vava nherera kunyika dziri kudunhu reWest Africa zvichitevera kurasikirwa nevabereki vavo nekuda kwechirwere cheEbola.
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Nzira yakadya munhu aifamba
KUNE nzira dzatinofamba nadzo dzinouraya. Dziriko nzira dzekuti vamwe vari kufamba madziri havafe, asi vamwe vakangofamba nadzo chete, vanofa. Dziriko nzira dzekuti vanhu vanozonzwa nezverufu rwemunhu aurayiwa nenzira iyoyo,
‘Ngatitsigirei vaimbi vechidiki muno’
MUMWE muimbi wechidiki wemusambo weZim dancehall ari kusimukira ochema-chema kuti vari kutsikirirwa zvipo zvavo nekuda kwekushaya vatsigiri pamwe nemikana yekushambadza mhanzi yavo. Valentine Tawanda Mapfunde (21), anonyanyozivikanwa saWantloe Vee uyo…
Mwana wemakumbo 3 akashaya
MWANA uye wekuberekwa aine moyo miviri, makumbo matatu, tsoka ina nenhengo mbiri dzechirume, wekupurazi reNugget, kuMhondoro, uyo ane vabereki nguva yadarika vaitsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kunovhiiwa kunze kwenyika, anonzi
Akazvambaradza shamwarikadzi
MURUME wekuChitungwiza wekurikita shamwarikadzi yake mushure mekunge yaramba kuenda naye pabonde akazozvisikira moto muziso zvichitevera kudhonzerwa kwaakaitwa kudare reko nekuda kwenyaya iyi.
‘Bhadhara, uri shefu iwe’
Tatenda Moyo MURUME wekuendeswa kudare neaimbova chido chemoyo wake akazoramba kuti ndiye baba vemwana wake pamberi pedare.
A-LEVEL — Mubairo: Maiguru namainini vanorwa
CHITSAUKO 27: Nyaya Yacho (Enderero mberi) AMAI vaTendai vachinzwa zvainge zvaitika vanogumbata ndokurukutika vabatira mweya muchipfuwa. Mai
Akabirwa bhazi aenda kusango
Tatenda Moyo MURUME wekuti akabirwa bhazi kuSouth Africa mushure mekunge aenda kunozvibatsira mune kamwe kasango kaive pedyo akazoendesa muridzi webhazi iri kudare achida imwe mari yake yemubhadharo.
Akanyemwerera mudare mari yaderedzwa
NYAKUCHEMA-CHEMA kuti mari yemendenenzi yaari kubhadhara idzikiswe achiti zvinhu zvakamuomera akabva kudare achinyemwerera zvichitevera kutambirwa kwakaitwa chukumbiro chake apo mari iyi yakaderedzwa kubva




