Chirongwa chichasimudzira mabasa emawoko
SANGANO reEuropean Union National Institute for Cultural Promotions nguva pfupi yadarika rakaparura chirongwa chekusimudzira mabasa emawoko pamwe netsika nemagariro muZimbabwe.
Tsumo dzinopikisana
Ticha Danga NYUCHI paya padzinotora maruva dzichienda kumazana adzo dzinorindira mondo kusvika paita huya hunonzi husvisvi. Dzinogadzira mazinga ehuchi anenge akamandana kusvika guru, mhango kana mukoko zvazara dakara
Young Warriors hutu kuMorocco
CHIKWATA chemaYoung Warriors cheUnder-23 svondo rino chakaenda kuMorocco uko chichanobandana nemaYoung Atlas Lions ekunyika iyi nemusi wesvondo mumutambo wehushamwari.
Gadziriro dzemaOlympics dzotanga
GADZIRIRO dzemakwikwi eSpecial Olympics World Summer Games ayo chikwata cheZimbabwe chichanokwikwidza nguva pfupi inotevera kumitambo yakasiyana kuLos Angeles, kuUnited States dzave padanho
Ebola inodya mazakwatira emari
MISHONGA iri kushandiswa mukurwisa kana kurapa chirwere cheEbola inonzi iri kudhura samare zvekuti hapana anoigona kuitenga kunyangwe kunyika dzakasimukira. Mumwe murapi wekuDallas, kuTexas kunyika yeUnited
‘Ndinodzipwa nezvidhoma’
MUMWE musikana wechidiki wekuChitungwiza, svondo raopera akapotera kumahofisi eKwayedza achitsvaga rubatsiro apo aiti aoneswa pfumvu nezvidhoma izvo zvinomurova pamwe nekumudzipa nguva nenguva. Marvelous Dzeka (21), uyo anogara panhamba 15 Dziva,…
Uyu ndiwo mutambo wedu: zpc
KUNOTSVA demo kuchisara mupinyi svondo musi weMugovera kuNational Sports Stadium apo Dynamos FC neZPC Kariba zviri kusangana mumutambo weCastle Lager Premiership. Zvikwata zviviri izvi zvave pachena kuti pakati pazvo ndipo…
Vakaramwirwa dhongi . . . ‘ndiro rava muroora wenyu’
KWASHE Chundu, kuHurungwe, kwakaitika mashura – kune nyaya iri mudare reko yemumwe mukomana ane makore 17 okuberekwa uyo akaramwirwa dhongi achinzi ndiro rava mukadzi wake mushure mekunge abatikidzwa
Simba rekuzvichengeta riri mumawoko ako
Catherine Murombedzi KANA wafamba nemudope unofanira kugeza. Hakuna munhu angati afamba nemumajahwi odekara kugara seasina dope.
Ini ndinochipisa mbavha – N’anga
PANE imwe n’anga yemuHarare iyo isingambotenderera kana yotaura mabasa ayo. Inoti kana pari pakushandisa mishonga yevanoba, harisi dambudziko nekuti “mbavha ndinodzigadzira”.







