Mapurisa echidzimai mudare raShe

SADUNHU Mark Makwarimba (83) vekuHwedza vanoti vane chishuwo chekusimudzira vanhukadzi izvo zvaita kuti vashande nemapurisa echikadzi mudare ravo.

Fundo yekuyunivhesiti iri kusimudzirwa: President

PRESIDENT Mugabe vanoti Hurumende yakavaka mayunivhesiti kumapurovhinzi ose enyika nechinangwa chekusimudzira fundo pamwe nekuti vadzidzi vawane mukana wekufunda zvekusvika kuyunivhesiti.

Jeptoo ofemeswa moto

SHASHA yemujaho wekumhanya wemarathon, Rita Jeptoo, akabatwa pamuchina wekuvheneka zvinodhaka muropa revatambi kuti ange ari kunwa mushonga unodhaka uyo usingabvumidzwe kushandiswa.

MAONERO EDU: Mushandi wepamba handi muramu bodo

NYAYA dzekusavimbika muwanano dzagara dzinonetsa. Pane zvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoita kuti murume kana mukadzi aite gumbo mumba, gumbo panze. Asi zvose hazvigashirike kuti munhu akaroora kana kuroorwa aite

Murray otatsurana naFederer

SHAsha yemutambo wetennis, Andy Murray, achatatsurana naRoger Federer kumakwikwi eATP World Tour Finals ayo achaitirwa kuLondon nguva pfupi inotevera.

Baba machivei pamusikana webasa?

“Ukaona musikana webasa ave kuitiswa mabasa emubhedhuru akadai, ziva kuti pane mikana yekuti murume anogona kuenda zuva rakacheka nyika,” vakadaro Mai Dhon’a.

Mutambo wezizama worongwa

SANGANO reZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union rakasangana svondo radarika musi weMugovera kuGweru apo raiita gadziriro dzemutambo weZimbabwe-Zambia-Malawi (ZIZAMA) Games uyo uchatambirwa muno

Kutevera chitunha mugomba

KUOMA kwehupenyu muZimbabwe ave mazino embwa chaiwo! Dhora harisi kubatika zvekuti nyangwe ukakweretesa munhu dhora chairo haachadzosa. Pane muzukuru wangu akabirwa mari yake yese yepay

TSCZ yopanga veruzhinji mazano

Ernest Muchena KUBVA svondo rino, kambani yeTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) ichange ichipanga mazano vose vanoshandisa mugwagwa uye izvi zvichaitwa kuburikidza nezvinyorwa nemifananidzo zvichabuda papeji rino.

Ndiri mudzimai ane makore 35

MAKADII veKwayedza? Ini ndiri murume ane makore 40 ndiri kutsvaka mukadzi ane makore 35 kusvika 39 anoda zvekuroorwa ari pchokwadi. Ndinoshanda muHurumende. Anoda ndibate pa0773 846 831.

×
×